Vana veZimbabwe neMuvhuro vari kucherechedza magamba ehondo yeChimurenga, paine kurudziro kubva kumagamba aya yekuti hurumende iwedzere zvainoita mukuona kuti vagara hupenyu hwakanaka.
Vakarwa hondo yeChimurenga ava vari kuda kuti hurumende iwedzere mari dzekubatsirikana dzavari kuwana pari zvino vachiti dzinofanirwa kufambirana nehuremu hwemari kumabhanga pazuvaro zvichienzaniswa nemari yekuAmerica.
Vakarwa Hondo ava vanoti vanofanirwawo kuti vabvumidzwe kupinza munyika dzimotokari vasingabhadhare mitero, kuwaniswa nzvimbo dzekuvakira dzimba, uye kuti vana vavo vawaniswe mabasa, nezvimwe zvakawanda.
Asi vamwe veruzhinji vanoti vanoona sekunge vakarwa Hondo yerusununguko ava vave kunyanya kutora mukana wekuda zvakawanda kubva kuhurumende senzira yekuzvipfumisa, vasingatarisewo kuti vamwe vakabatsira muhondo vari kuraramawo zvakadii.
Munyori mukuru wesangano re Zimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya, vanoti vakarwa Hondo vanotenda zvikuru kuti vari kurangarirwa, asi vanoti vanofanirwa kunge vachitowaniswa zvakawanda kudarika zvavari kurwira kuti vabatsirwe nazvo.
VaMahiya vanoti kune dzimwe nyika vakarwa Hondo vanotopiwa mikana yekuenda kumazororo kwesvondo mbiri, kupiwa nharembozha, kubatsirwa kutenga dzimotokari, pamwe nekutengerwa nhumbi dzwekupfeka zuva rekucherechedza magamba.
Mumwe murwiri wehondo yerusununguko vakarwa vari kudivi reZIPRA, VaMax Mkandla, vanotiwo vakarwa Hondo yerusununguko vanofanirwa kunge vachitove nenhengo dzinovamirira mudare reparamende.
VaMkandla vanotiwo vakarwa Hondo vanofanirwa kunge vari ivo vari kutungamira muchirongwa chekuendesa masimba kumatunhu che devolution, pamwe nekudzidzisa nhoroondo yehondo muzvikoro, kwete kudzidziswa nemunhu akatoitawo zevkudzidza nezveChimurenga.
Facebook Forum