Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inowana Rubatsiro rweMotokari neMichina zveKurwisa Nazvo Chirwere cheTB


Chirwere cheTB chinonzi chanetsa munyika
Chirwere cheTB chinonzi chanetsa munyika

Zvichitevera kurasikirwa nehupenyu kwevanhu vakawanda nekuda kwekushaikwa kwemishonga yakakwana, michina yekushandisa uye motokari dzinotakura varwere munyika, sangano rinobatsira mune zveutano pasi rose reGlobal Fund rakanunura bazi rezveutano kuti rikwanise kubatsira varwere munyika.

Hutano hwakanaka munyika hwave kumawere nekuda kwekuti zvipatara zvizhinji munyika angove matemhe asina mhodzi, uye vane mari voga ndivo vave kukwanisa kurapwa zvakanaka.

Kuwondomoka kwehupfumi munyika kwasiyawo bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana ratarisana nedambudziko hombe nekuda kwekushaya mari uye kusashanda zvakanaka kwehurumende, izvo zvaita kuti ritadze kuita basa raro nemazvo.

Bazi iri nemusi weChina chapfuura rakarerutsirwa mutoro nesangano reGlobal Fund iro rine mari yakatenga motokari sere dzinotakura varwere pamwe nemichina inoshandiswa mukuongororwa kwedenda rerurindi kana kuti TB. Motokari dzevarwere idzi dzichaenda kumatunhu akasiyasiyana emunyika.

Gurukota rezvehutano, Doctor David Parirenyatwa
Gurukota rezvehutano, Doctor David Parirenyatwa

Vachitaura pamusangano wekuparura zviri pamutemo motokari dzinotakura varwere nemichina yemhando yepamusoro-soro yekuongorora varwere vane TB pachipatara che Wilkins muHarare, gurukota rezvehutano Doctor David Parirenyatwa vakati nyika yakatarisana nedambudziko iro rinogona kuita kuti hurumenende itadze kuzadzisa donzvo rekupedza HIV neTB mugore ra 2030 kana vakashaya rubatsiro nechimbi-chimbi.

Doctor Parirenyatwa vakatiwo motokari dzevarwere idzi dzavakawana dzichaenda kumatunhu akasiyasiyana mukuedza kubatsira kuti varombo vakwanisewo kuwana utano hwakanaka.

Mugari wekuChitungwiza achimiririra Chitungwiza Residence Trust, Gracius Chidewe anoti danho rakatorwa ne Global Fund idanho rakanaka akati zvinorerutsira musengwa kune avo vanowirwa nehurwere.

Mumwe mufundisi wekuChinhoyi VaCarlos Phiri vanovawo zvakare sachigaro we Chinhoyi Residence Trust, vakati nzvimbo yavanogara ine dambudziko remotokokari dzekutakurisa varwere, nokudaro vanoshuvira kuti mudunhu mavo vachawanawo imwe yedzimotokari idzi.

Mumwe mugari wemuHarare aive pakutambidzwa kwemotokari nemichina iyi kuWilkins Va Masimba Matinyanya vakati kunyangwe zvazvo iri riri danho rakakosha rekuwana motokari dzinotakura varwere, rimwe dambudziko rakatarisanwa naro kumaruwa kushaya mari yekubhadhara motokari idzi kuti vatakurirwe varwere.

VaParirenyatwa vakati kwave neimwe mhando yeTB inoda kungwarirwa vakati vane chivimbo chekuti motokari nemichina iyi zvichabetsera kuderedza chirwere che TB ichi. Vakatiwo gore rino vanhu vanoraudzira mazana matatu vabatwa nechirwere cheTB.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG