Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vanorwira Kodzero dzeVanhu Voshushikana neKushaikwa kweNevirapine


Mushonga weNevirapine unopiwa vana vacheche kuti vasabatira hutachiwana hweHIV
Mushonga weNevirapine unopiwa vana vacheche kuti vasabatira hutachiwana hweHIV

Vanachiremba vanorwira kodzero dzehutano vari kushora hurumende nekushaikwa kwemushonga weNevirapine uyo unodzivirira kuti vana vanozvarwa nanaamai vane HIV/AIDS vasabatapurirwe hutachiona uhu.

Sangano reZimbabwe Doctor’s for Human Rights rinoti mushonga weNevirapine uyu wave nenguva uchishaikwa muzvipatara zvinoshandiswa neveruzhinji pamwe nezvimwe zvezvitoro zvinotengesa mushonga.

Munyori musangano iri, VaEvans Masitara, vanoti kushaikwa kwemushonga wakakosha kudai kunoisa hutano hwevana panjodzi.

VaMasitara vanoti zvinovashungurudza kuti mishonga yakawanda iri kuramba ichishaikwa kuzvipatara nezvitoro. VaMasitara vanoti vari kukurudzira zvikuru kuti bazi rehutano ripihwe mari yakawanda.

VaMasitara vanotiwo hurumende inofanirwa kuwanisawo mari yekunze vanotenga mishonga kunze kwenyika kuitira kuti mishonga iyi isashaikwe munyika.

Munyori mubazi rezveutano, Dr Gerald Gwinji, vanoti Nevirapine yanga isingachanyowanikwi asi vakatiwo dambudziko ranga riri rekufambisa mishonga iyi kubva kwavanoichengetera kuenda kuzvipatara.

VaGwinji vanoti nyika ine mushonga weNevirapine uyu unogona kushandiswa kwemwedzi mipfumbamwe kuzvipatara zvehurumende kwavanochengetera mishonga.

Kunyange hazvo VaGwinji vachiti dambudziko rekushaikwa kwemushonga weNevirapine ragadzirwa, patendererwa neStudio7 kune zvimwe zvitoro zvinotengesa mushonga uyu wanga usingawanikwe.

Kuzvipatara zvehurumende mushonga uyu unopiwa pachena asi muzvitoro zvemishonga unowanikwa nemari inosvika madhora makumi maviri zvichiraudzira.

Mushonga uyu unofanirwa kupiwa kuvana vanenge vazvarwa nanaamai vane HIV maawa makumi manomwe nemaviri asati adarika.

Nyanzvi mune zveutano dzinoti matambudiko akadai anofanirwa kudzivirira kuitira kuti nyika ikwanise kudzikisa huwandu hwevanobatwa neHIV.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG