Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neHIV Vogunun'una Kunzi Vari Kuonekwa seVakatopara Mhaka


Vanorwira kodzero dzevanorarama neHIV vachiratidzira.
Vanorwira kodzero dzevanorarama neHIV vachiratidzira.

Nyanzvi dzemitemo dzinoti dziri kushushikana nekuwanda kwenyaya dzinonzi dzine chekuita nekupomerwa dzimhosva kwevanhu vanorarama ne HIV munyika dzakawanda, kusanganisira united states.

Izvi zvinonzi zvabuda kumusangano weInternational Aids Conference uri kuitirwa kuDurban, kuSouth Africa.

Zvinonzi kunyange hazvo kusina mutemo unozivikanwa unoti imhosva kuti munhu ave neHIV, magweta anorwira kodzero dzevanhu akawanda anonzi ati vanorarama nemukondombera vakawanda vanoonekwa sevanhu vakatopara mhosva.

Bazi reU.S Centers for Disease Control and Prevention gore rapera rakazivisa kuti matunhu makumi maviri nemana emuAmerica anoda kuti vanhu vanoziva pavamire panyaya dzeHIV kuti vaudze vavanodana navo.

Apo hupfumi hwepasi rose huri kudzikira, hurombo hunonzi hwabatawo vanhu munyika dzakawanda, izvo zvomanikidza madzimai akawanda kupinda mune zvechipfambi kuti vararame.

Asi madzimai aya ari kugunin’una kuti vanoonekwa sevanhu vane mhosva, izvo zvinovasiya pamhene mune zvinhu zvakawanda zvinosanganisira kubata zvirwere zvepabonde neHIV/Aids.

XS
SM
MD
LG