Vana chiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo, avo vanga vari pakuramwa mabasa, vanonzi vakadzoka pamabasa mushure mekunge vazosaina magwaro ekupinda mabasa avakanga vachiramba kutambira vachiti aityora kodzero dzavo.
Vamwe vanachiremba ane ruzivo nezviri kuitika audza Studio7 kuti vana chiremba ava vakatanga kudzokera kumabasa mumwe nemumwe neChipiri chesvondo rapera, izvo zvakazoita kuti vamwe vatorewo danho iri sezvo pakanga pasisina kudhonzera pamwe.
Mumwe chiremba, Dr. Martin Mlilo vanoti ichokwadi kuti ndizvo zvakaitika, asi vanoti nekune rimwewo divi vanachiremba ava vakanga vaona kuti kunyange hazvo hurumende yakanga ichi vamanikidza kusaina magwaro akanga avandudzwaaya, vakanga vawana zvizhinji zvezvavaichemera.
“Vana chiremba vakaona kuti hurumende haisi kuda kutsukunya pane zvimwe zvatainetsana nayo tichida kuti itange yagadzirisa, saka vanachiremba vakazoona kuti vari vari kuramba vachitambura ihama dzedu, vabereki vedu, saka takadzokera pamabasa,” Dr. Mlilo vanodaro.
Hurumende inonzi kunyange hazvo yakaramba kutambira zvimwe zvaidiwa navana chiremba ava, yakabvuma kuti mari dzavanotambira dzitangire pamadhora mazana masere nemakumi manomwe nemashanu kusanganisira mari dzekubatsirikana.
Makore anenge oshanda vanachiremba ava vari pasi pehurumende anonzi akaderedzwawo kubva pamaviri kuenda parimwe, uye vana chiremba vechidzimai vakanga vamborambidzwa kuenda pazororo rematenenti vasati vapedza makore maviri vanonzi vave kukwanisa kuita izvi mushure megore rimwe chete.
Kudzoka pamabasa uku kwave kurevawo kuti zvipatara zvakaita seHarare Central neMpilo Central zvakange zvambovhara mativi anosvikira varwere zvidzoke mukushanda zvizere zvakare.
Dr. Mlilo vanoti kunyange hazvo vanachiremba vadzokera pamabasa vose, hazvirevi kuti zvinhu zvabva zvanakana sezvo muzvipatara musina mishonga inokwanira varwere pamwe nezvekushandisa pamabasa avana chiremba.