Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanonzi vakabuda munyika nemusi weSvondo vakananga kuChina kunorapwa.
Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vaudza sangano renhau reAFP neChipiri kuti VaChiwenga vakaenda kunoongororwa navanachiremba vavo, semunhu akambenge arapwa kuChina kwakare pavakamborwara.
VaCharamba vati VaChiwenga vakanga vachinzwawo kuneta mumazuva adarika aya, izvo zvakazoita kuti vasaonekwe mumakungano akawanda, kusanganisira kupurazi remutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuKwekwe, uko vaitarisirwa kuve munyarikani pazuva rekuona zvirimwa papurazi iri svondo rapera.
Rwendo rwaVaChiwenga kuChina rwunouya panguva iyo nyika iyi yakabatwa nedambudziko rechirwere che coronavirus, icho chakanzi neWorld Health Organisation rave dambudziko repasi rose.
Izvi zvinoitikawo panguva iyo VaMnangagwa vari kukurudzira vana veZimbabwe kuti vasashanyira nyika dzine chirwere ichi.
Takundikana kubata VaCharamba kanawo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, avo vanzi vanga vari mumusangano.
Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti vanoona rwendo rwaVaChiwenga serwendo rwauya panguva yakaipa, sezvo nyika zhinji dziri kutoburitsa zvizvarwa zvadzo kubva muChina nekutyira chirwere che coronavirus.
VaMutasa vanotiwo kuenda kwaVaChiwenga kuChina panguva iyo vanhu vari kunzi vasashanyira nyika dzine coronavirus kunopa mucherechedzo wakaipa kuruzhinji, urwo rwunotarisira kuti vatungamiri vamire nemashoko avanenge vachiparidza.
Facebook Forum