Accessibility links

Breaking News

Heal Zimbabwe Trust Inoti Kushungurudzwa kweVanhu Kuri Kukwira Mune Mamwe Matunhu


Heal Zimbabwe Trust

Sangano reHeal Zimbabwe Trust rinoti ongororo yarakaita musvondo mbiri dzapfuura inoratidza kuti kune kushungurudzwa kwevanhu kwakawanda kuri kuitwa nebato riri kutonga reZanu PF, masabhuku, uye nemadzishe mune mamwe matunhu emunyika.

Vanoona nezvekubudiswa kwemashoko musangano iri, VaRawlings Magede, vanoti ongororo yavakaita inoratidza kuti kune kushungurudzwa kwakanyanya kumatunhu maduku anoti Mazowe neMt. Darwin, mudunhu reMashonaland Central, richiteverwawo neManicaland.

VaMagede vanoti vanonyanya kutyisidzira vanhu ibato riri kutonga, reZanu PF, richiteverwa nemadzishe.

Vanotiwo kune mhando nhatu dzekushungurudza nadzo vanhu dziri kushandiswa, dzinoti kutyisidzirwa, vanhu vachiyeuchidzwa zvakamboitika muna 2008, kumanikidzwa kuenda kumisangano yeZanu PF, uye kuparadzwa kwemisangano yemamwe mapato anopikisa Zanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG