Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inopa veMoto Republik Mazuva Manomwe eKuputsa Zvivakwa Zvavo


Bernard Manyenyeni and some MDC-T leaders. (Photo: Thomas Chiripasi)
Bernard Manyenyeni and some MDC-T leaders. (Photo: Thomas Chiripasi)

Kanzuru yeguta reHarare inoti yapa mazuva manomwe ekuti varidzi venzvimbo inoitirwa mitambo pamwe nezvehumhizha, yeMoto Republik, vaparadze voga zvivakwa zvavo izvo inoti zvakavakwa zviri kunze kwemutemo, kukundikana kwavo zvoputswa nevashandi vekanzuru.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti kwemwedzi mitanhatu yadarika, kanzuru yavo yanga ichipa yambiro kuvaridzi vezvivakwa izvi kuti vazvibvise, asi vasingateereri.

Zvinonzi vashandi vekanzuru vazoenda panzvimbo iyi, iyo iri muna Allan Wilson Avenue, vakada kutanga kuputsa zvivakwa izvo zvinonzi zvazoita kuti varidzi vamhanyemhanye mukuedza kumisa danho iri.

Mugwaro ravaburitsa, veMoto Republik vanobvuma kuti vashandi vekanzuru vanga vachida kuputsa zvivakwa zvavo, aso vanoti izvi zvazomiswa mushure mekupindira kwameya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni.

Sangano iri rinotiwo vashandi ava vakundikana kuburitsa magwaro ekumatare edzimhosva anovapa masimba ekuti vaputse zvivakwa izvi, sezvo iro riine humbowo hwemagwaro anoratidza kuti hurongwa hwaro hwakatambirwa pamwe marisiti anoratidza mari dzakabhadharwa.

Vanotiwo kanzuru iri kuda kushandisa mutemo wakadzikwa mugore ra 1974 unorambidza kushandiswa kwerudzi rwezvivakwa zvemasimbi kana kuti ma container, zvinove zvarambwa zvakare naVaChideme.

Svondo rino kanzuru yeHarare inonziwo yakaputsa misika yakawanda paKamunhu Shopping Centre mumusha weMabvuku/Tafara.

Hurukuro naVaMichael Chideme
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG