Accessibility links

Breaking News

Harare Inorerutsira Vagari Zvichitevera Kuvhura Hofisi paSam Levy Village


Kanzuru yeguta reHarare
Kanzuru yeguta reHarare

Kanzuru yeguta reHarare inonzi yakavhura hofisi yechizvinozvino yekuti vagari vabhadhare mitero yavo zvisina dambudziko panzvimbo yemabhizimusi yeSam Levy mumusha weBorrowdale.

Mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, vanoti hofisi yavo itsva iyi inoita kuti vanhu vakwanise kushandisa dandemutande sezvo iine wi-fi.

VaChideme vanoti kanzuru yavo yakavhurawo nzira itsva inoita kuti vagari vabhadhare mitero yavo kana zvikwereti zvavo vari kana kunze kwenyika chaiko vachishandisa internet pachirongwa chavo chinonzi Pay-Now.

Vanoti izvi zvose zviri pasi pehurongwa hwekanzuru yavo hwekuti vagari varerukirwe nekuita bhizinesi nekanzuru vari chero kwavanenge vari.

Kanzuru yakavandudza mahofisi ayo ematunhu kuti vagari varerkuirwe nekubhadhara mitero yavo uye VaChideme vanoti vari kutarisira kuvhura mahofisi akawanda echizvinozvino.

Hurukuro naVaMichael Chideme
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG