Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera muMigwagwa yeGuta reGweru Vosvora Danho reKanzuru rekuti Vabve muNzvimbo Dzavari Kshandira


Guta reGweru
Guta reGweru

Sangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, rinoti riri kunyunyuta zvakasimba nedanho rinonzi rakaziviswa nekanzuru yeguta reGweru, rekuti vose vanotengesera mumigwagwa vabude mukati meguta, kukundikana kwavo vanozobviswa nechisimba.

Mukuru wesangano reVISET, VaSamuel Wadzayi vanoti sangano ravo rinoshamiswa nekurudziro yekanzuru iyi kuburikidza nevakafanobata chigaro chenemunyori mukuru wekanzuru VaEdgar Mwedzi, avo vanonzi ndivo vakazivisa nezvedanho iri.

VaWadzayi kanzuru yeGweru ndiyo chete kanzuru yanga yagara ichi zivikanwa nekuda kwayo kuti pashandiswe kutaurirana pane kunetsana kuri pakati pevanotengesa ava nemakanzuru.

VaMwedzi vanonzi vakazivisa kuti kanzuru yavo ichatora danho iri sezvo nhaurirano dzanga dziripo mukutsvaga kuwirirana dzichinzi dzatadza kuunza pundutso.

VaWadzayi vanoti kana kanzuru yakaenderera mberi nekuburitsa vanhu mukati meguta, vanotengesa ava vanoda kusvika kana kudarika zviuru zvina vanogona kukanganiswa.

“Isu tiri kuti kukanzuru ngatirambe tichi taurirana kusvika tawana nzira dzekupedza nadzo gakava iri,pane kuti vashandise chisimba,” VaWadzayi vanodaro.

Studio 7 yakundikana kubata VaMwedzi kuti tinzwe divi rekanzuru panyaya iyi.

Asi VaWadzayi vanoti nhengo dzavo dzicharamba kubviswa mumigwagwa nechisimba.

“Kana zvichireva kuti tichafira mumigwagwa ndizvo zvichaitika. Tiri kuti isu hatina kwatinoenda,” VaWadzayi vanopika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG