Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Maronda eGukurahundi Anopora Chete Kana Hurumende Yakumbira Rugerero


Mauto eFifth Brigade anonzi ndiwo akakonzera kufa kwevanhu vakawanda munguva yeGukurahundi
Mauto eFifth Brigade anonzi ndiwo akakonzera kufa kwevanhu vakawanda munguva yeGukurahundi

Nyaya yeGukurahundi inonzi nevakawanda ichanetsa kuti inyararwe nezvayo kana vaive muhurumende panguva yakaitika kupondwa kwevanhu mumatunhu eMatabeleland neMidlands vasina kumira mberi kwevanhu vachikumbira ruregerero.

Vamwewo ndivo vanoti vanhu vakarasikirwa nehama neshamwari muchiitiko ichi vanofanirwa kuripwa nemari kana kuburikidza nebudiriro dzinogona kuitwa mumatunhu avagere.

Nyaya yeGukurahundi yakamutsiridzwa zvakare kuburikidzwa nebhuku rinonzi rakanyorwa naVaDavid Coltart, avo vaive gurukota rezvedzidzo muhurumende yemubatanidzwa uye vari nhengo yeMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube.

Mubhuku iri, iro rinonzi The Struggle Continues -50 Years of Tyranny in Zimbabwe, VaColtart vanonzi vakati mutewedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaudza musangano wakaitwa kuLupane kuti hurumende munguva yeGukurahundi kuti vaizoparadza vanhu vaidyidzana nemagandanga semapete.

Vanhu vanodarika zvikuru makumi maviri vanonzi vakaurayiwa nevainzi vakanga vapandukira hurumende pamwe nemauto ehurumende eFifth Brigade mumakore ari pakati pa1982 kusvika muna1986.

Asi hurumende inonzi haisati yasimudza muromo ichi bvuma kuti ine chekuita nekufa kwevanhu uku, kunze kwevamwe vakuru muhurumende vari kunongedzwa kuti vaive necheikuita.

Asi VaMnangagwa nevamwe vavo muhurumende vanonzi vari kuramba kuti vaive nechekuita nekupondwa kwevanhu uku.

Mutungamiri wesangano rePost Independence Survivors’ Trust uye vaimbovewo nhengo yeparamende, VaFelix Magalela Mafa Sibanda vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanofanirwa kutungamira mberi vachibvuma kuti hurumende yavo yakakanganisa, vokumbira ruregerero.

“Kwakaitwa Chihambakwe Commission kukaitwa Dumbutshena Commission, vese ava vaitaura nezve Gukurahundi nekupondana kwevanhu. VaMugabe nanhasi Havana kuzvitaura,” VaMagalela Mafa Sibanda vanodaro.

Vanoti panofanirwa kuumbwa komisheni inoburitsa chokwadi, yeTruth, Justice and Peace Commission kuitira kuti vanhu vazive chokwadi chakaitika.

Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights Association VaOkay Machisa vanoti vanotsinhirana nemaonero aVaMagalela Mafa Sibanda.

“Iye zvino pane national Peace and Reconciliation commission asi hatisi kumboona basa rairi kuita. Makomishina iwayo anofanirwa kunge achiita basa rakafanana nairoro, rekutsvaga chokwadi kuti chibude pachena,” VaMachisa vanodarowo.

Vanoti iye zvino vari mushishi yekuti vakashungurudzwa kubva munguva yeGukurahundi kusvika iye zvino vabatsirwe pasi peWorking Group on Transtional Justice iri kutungamirwa neZimbabwe Human Rights NGO Forum.

“Izvi zvinoratidza kuti isusu sema civil society tinokoshesa zvikuru nhunha kana kuti nhamo dzakapindwa nadzo nevananhu nguva yeGukurahundi.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG