Accessibility links

Breaking News

VaMatemadanda Vopomera VaMugabe Mhosva Yose yeGukurahundi


Munyori weZNLWVA, VaVictor Matemadanda
Munyori weZNLWVA, VaVictor Matemadanda

Munyori wesangano revakamborwa hondo yerusununguko, VaVictor Matemadanda, vanoti hapana zvazvinobatsira kuti nyika irambe ichitsvaka munhu wekupomera mhosva yeGukurahundi izvo zviri pachena kuti vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vanofanirwa kubvunzwa uye kutsanangura mhosva yavakapara iyi.

VaMatemadanda vanoti VaMugabe ndivo vanofanira kutaurira vanhu kuti zvipangamazano zvavo vaive vanaani panguva yeGukurahundi.

Vanoti VaMugabe ndivo vaive mukuru wemauto, kana kuti "Commander-in-Chief", panguva iyi, uye semukuru wemauto, mutungamiri wenyika ndiye anotanga kana kumisa hondo.

“Hapana minister kana commander wemauto ane simba rekutanga hondo. Hondo inotangwa napresident, yomiswa napresident,” VaMatemadanda vanodaro.

Vanoti hurongwa hwemauto eFifth Brigade hwakatoshevedzerwa varairidzi vakabva kuNorth Korea, nekudaro hazvishandi kuramba vanhu vachinyenyeredza dambudziko rakatarisana nenyika.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti mashoko aVaMatemadanda ekuda kuedza kuchenura mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa haana zvaanobatsira, sezvo VaMnangagwa vaive ivo gurukota rezvekugadzikana kwenyika vachiona nezvevasori panguva iyi.

Nyanzvi idzi dzinoti maoko aVaMnangagwa akangosvibawo sezvakaita aVaMugabe panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG