Accessibility links

Mamwe Madzimai Anochenura Amai Grace Mugabe paKudonhedzwa kwaVaMugabe neMauto


Vaive mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe

Kunyangwe hazvo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvichipa kumudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe mhosva yekuwisira VaRobert Mugabe pasi, mamwe madzimai anovachenesa achiti vaimbove mutungamiri wenyika ava vanga vasingachadiwi neveruzhinji.

Mumwe mudzimai ari mune zvematongerwo enyika uye vachitarisira kukwikwidza senhengo yeParamende yakazvimiririra Muzvare Linda Masarira, vanoti maitiro Amai Mugabe ndoakakonzera kuti murume wavo arasikirwe nechigaro chehutungamiriri.

Muzvare Masarira vanoti Amai Mugabe vakazvidza chigaro chemutungamiriri wenyika kusvika chisisina chiremera izvo zvakazoita kuti murume wavo abviswe pachigaro ichi.

Izvi zvatsigirwawo naAmai Fadzai Nhamo mugari wekumusha weEpworth, avo vanoti madzimai anofanirwa kuva vavaki pamwe nekuita hany’a nehupenyu hwevanhu vese kwete kungotarira zvemumba mavanenge vari chete.

Asi mumwe wevechidiki Muzvare Sibonokuhle Buhlungu vanoti Amai Mugabe vakazongosundidzira danda ranga ragara roda kuwa zvaro.

Muzvare Buhlungu vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvakanga zvagara zvaneta nehutongi hwaVaMugabe asi zvichishaya mukana wekuratidza nyunyuto yazvo.

Muzvare Buhlungu vanotiwo chidzidzo chikuru chavakawana pakusiya basa kwaVaMugabe ndechekuti madzimai anofanirwa kuzvininipisa zvisinei nezvigaro zvavanazvo.

Amai Lucy Makhaza Mazingi vanotiwo zvakaitika kunaMai Mugabe zvinogona kuitika kune mamwe madzimai. Amai Mazingi vanoti Amai Mugabe vakashandiswa nevanhurume, vakayambira madzimai, kunyanya ari munyaya dzezvematongerwo enyika kuti vanofanira kuzvimiririra kwete kutsamhira pazvigaro zvevarume vavo.

Amai Mugabe vaive nembiri yekupopota nekutuka nhengo dzebato reZanu PF pamisangano yebato iri kana payi zvapo payiunganiwa.

Amai Mugabe ndovakatanga kubuda pachena kuti vaimbove mutevedzeri wemutungamiriri wenyika Amai Joice Mujuru vakanga vasingachavadi mubato reZanu PF.

Izvi zvinonziwo nevamwe madzimai pachavo havana kubatana uye havatsigirane kana mumwe ari pachigaro.

Amai Mugabe vazokadzokorodza maitiro avo zvakare kusvika pakazodzingwa VaEmmerson Mnangagwa gore rino avo vave mutungamiriri wenyika mushure mekubatsirwa nemauto kubvisa VaMugabe pachigaro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG