Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inopikisa Mutongo weHigh Court paNyaya yaVaMalaba


Hurumende yakapikisa mutongo weHigh Court wekuti mukuru wevatongi VaLuke Malaba vasaenderere mberi vari pabasa.

Hurumende neMuvhuro yakakwira kudare repamusorosoro reSupreme Court ichipikisa mutongo wakapiwa nedare reHigh Court uyo wakarasa danho rakanga ratorwa nemutungamiri wenyika rekuwedzera makore ekuti mutongi mukuru wematare, Chief Justice Luke Malaba, varambe vari pabasa.

VaMalaba vakasvitsa makore makumi manomwe ekuberekwa, zvichireva kuti vaifanirwa kusiya basa kubva neMugovera wapera.

VaMnangagwa vakawedzera nemakore mashanu nguva yekuti VaMalaba varambe vari pabasa zvichitevera kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika.

Hurumende iri kupikisa mutongo wese wakaturwa nevatongi vatatu vanoti Justice Happias Zhou, Justice Edith Mushore naJustice Jester Charewa nemusi weMugovera, uyo wakavhara gonhi rekuti VaMalaba varambe vari pabasa.

Gurukuota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi pamwe negweta guru rehurumende, Advocate Prince Machaya, vese vakatsvitsa mapepa avo ekupikisa mutongo wedare reHigh Court uyu.

VaZiyambi vakaudza Studio 7 neMuvhuro kuti vakasvitsa magwaro kudare sezvo vakanga vakanangwawo mbune mumutongo wedare repamusoro uyu.

Asi vamwe vanoongorora zvemitemo vanoti hurumende yakareswa kukwidza nyaya iyi kuSupreme Court, vachiti yaifanirwa kuendesa magwaro ayo kuConstitutional Court.

Vamwewo ndivo vari kuti hurumende yakaomesa nyaya iyi nekuti yakadomawo mumagwaro ayo vamwe vatongi vematare mukupikisa kwayo mutongo uyu, vachiti izvi zvichaita kuti vatongi vose ava vatadze kuzonzwa nyaya iyi mudare.

Gweta, Doctor Simba Mavaza, vanoti zvakanga zvingori pachena kuti hurumende ichapikisa mutongo uyu nekuti hurumende yakagara ichingoti zvayainge yaita zvaive zviri mubumbiro remitemo yenyika.

Doctor Mavaza vanoti kupikiswa kwaitwa nehurumende mutongo weHigh Court uku kwave kureva kuti zvinhu zvadzokera pazvaive nyaya iyi isati yanzwikwa mumatare, kureva kuti VaMalaba vanogona kuramba vachienderera mberi nebasa.

Hurukuro naDoctor Simba Mavaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG