Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Nhengo yeVechidi veZanu PF, VaTsenengamu, Vokumbira Ruregerero


VaGodfrey Tsenengamu.
VaGodfrey Tsenengamu.

Vaimbove munyori anoona nezvegwara remusangano muboka revechidiki reZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu, neChitatu vakanyora tsamba kumhuri yeZimbabwe vachikumbira ruregerero nezvavanoti vangadai vakaita munguva yavaive mubato riri kutonga iri.

VaTsenengamu vanoti chikuru chavari kukumbira ndechekuti vana veZimbabwe vavaregerere mune zvavangadai vakakonzera vachiziva kana kukonzerwa nevamwe vavaishanda navo ivo vasingazivi.

Vanoti naivowo varegerera vose vangadai vakavatadzirawoo munguva imwechete iyoyo.

Panyaya yekuti vacharamba vari mune zvematongerwo enyika here kana kuti kwete, VaTsenengamu vanoti izvo vachazozviona mushure sezvo pari zvino vakanangana nekurwisana nehuwori hwavanoti hwaparadza nyika.

VaTsenengamu vakadzingwa mubato reZanu PF kutanga kwemwedzi uno mushure mekunge vambomiswa kubata zvigaro ivo pamwechete nevaive mukuru wevechidiki, VaPupuraii Togarepi naVaLewis Matutu.

VaMatutu naVaTsenengamu vazonzi nehutungamiri hweZanu PF vaende kuchikoro cheChitepo School of Ideology kunodzidziswa nezvegwara remusangano, asi VaTsenengamu vakaramba kuenda kuchikoro ichi, izvo zvakazoita kuti vadzingwe mubato.

Vechidiki ava vakanga vaita musangano nevatori venhau vachidoma vamwe vezvemabhizimusi vavaiti vaiita zvehuwori, danho rakashoropodzwa zvikuru nevamwe muZanu PF.

Hurukuro naVaGodfrey Tsenengamu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG