Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Okurudzira Vari Kunyimwa Chikafu Kuudza Bazi reLabour and Social Welfare


Vamwe vevanhu vachitambiriswa chikafu

Nhengo dzebato rinopikisa reMDC-T dzinosvika gumi neina dzemuWard 4, Majiji, kuBubi, kuMatabeleland North,dzinonzi dzambochengetedzwa nemapurisa dzichipomerwa mhosva yekuba, mushure mekunge dzabvuta tsaga remupunga waigoverwa vanhu nemusi weChitatu mudunhu mavo.

Mumwe wevambosungwa ava, Amai Chithekile Khupe, vaudza Studio 7 vari pakamba yemapurisa yeSiganda kwavanga vaendeswa pavasungwa, kuti vakabvuta mupunga uyu kubva kunhengo dzeZanu PF, mushure mekunge vaudzwa kuti vakanga vasiri kuzopiwa chikafu ichi nekuti ndevebato rinopikisa.

Vanoti mushure mekubvutirwa mupunga uyu, nhengo dzeZanu PF dzakazonomhan'gara kumapurisa kuti dzakanga dzabirwa matsaga matanhatu emupunga, izvo zvazoita kuti vasungwe nemapurisa emumusha, ayo avaendesa kuSiganda Police Station.

Asi vanoti mapurisa azovarega vachienda vachinzi vakwidze nyaya yavo kubazi rezvevashandi nemabasa nekugara kwakanaka kwevanhu, reLabour, and Social Welfare.

Mumiriri wedunhu reMatabeleland North muparamende, vari nhengo yeMDC-T, Amai Lwazi Sibanda, vaudzawo Studio7 kuti vakatosvitsa nyunyuto yekunyimwa chikafu kwenhengo dzavo idzi kugurukota rezvemabasa nekugara kwakanaka kwevanhu, Amai Petronella Kagonye, avo vanonzi vakati vachatarisa nezvenyaya dzerusarura pakugoverwa kwechikafu idzi.

Nhengo dzemapato anopikisa, zvikuru dzeMDC-T, dzinogara dzichinyunyuta kuti dziri kunyimwa chikafu panogoverwa zvekudya nehurumende. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG