Accessibility links

Breaking News

Vashandi vemuMapurazi Voisa Tariro kuMutungamiri weNyika Mutsva


Vashandi vemumapurazi vanoti havasi kubatwa zvakanaka navanamuzvinapurazi
Vashandi vemumapurazi vanoti havasi kubatwa zvakanaka navanamuzvinapurazi

Vashandi vemumapurazi nemakambani anoita zvekurima vanoti havasikufara nemabatirwe avari kuitwa pamabasa uye vakatonyorera kuhurumende itsva yaVaEmmerson Mnangagwa vachikumbira kuti itarise zvichemo zvavo.

Munyori musangano reProgressive Agriculture and Allied Workers Union of Zimbabwe, VaRaymond Sixpence, vanoti vakatonyorera kumahosifi emutungamiriri wenyika, gurukota rezvevashandi pamwe negurukota rezvekurima vachivakumbira kuti vagadzirise zvichemo zvavo.

Vanoti nhaurirano nevavanoshandira hadzina chadziri kuburitsa ndosaka vaenda kuhurumende.

Vanotiwo vane tariro yekuti mutungamiriri wenyika achagadzirisa zvichemo zvavo nekuti vamwe vevanhu vavanoshandira uye vari kuvapa mihoro isingabatsire nekuvadzvinyirira pamabasa inhengo dzebato rake reZanu PF.

VaSixpence vanoti zvichemo zvavo zvakawanda uye zvino sanganisira mihoro isina chainobatsira kana kusatopihwa mihororo yacho.

Asi vamwe varimi vakaita, SaAmai Confidence Phiri, vekuBeatrice vaudza Studio 7 kuti havasi varimi vese vari kutadza kubhadhara vashandi vachiti ivo vanotove nedambudziko nevashandi vavo.

Mukuru werimwe remasangano anomirira varimi, reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, vanoti matambudziko ari kutaurwa naVaSixpence anozivikanwa uye matambudziko aya anobata maindasitiri ese munyika.

Vanoti hapana munhu asingazive mamirire akaita zvinhu munyika vachiti vachiri pamabasa vanotove nerombo rakanaka sezvo mamwe makambani akatovhara.

VaZakariya vanoti chave kudiwa kuita muonera pamwe nehurumende yavepo kugadzirisa zvinhu munyika.

Nemusi weChina chapfuura hurumende yaVaMnangagwa yakatura bhajeti rayo rekutanga iro rakanyanyonangana nekuvandudza mabasa ekurima pamwe nekumutsiridza hupfumi.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG