Accessibility links

Breaking News

Platform for Youth Development Yorwisa Kuti Mhuri Dzisabviswa kuMunyokowere, kuChipinge


Mhuri dzinonzi dzibve idzi dzinonzi dzagara muMunyokowere kubva 1992.

Sangano revechidiki rePlatform for Youth Development rinoti rave kushanda nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights mukuedza kumisa kubviswa kwemhuri dzinodarika mazana mashanu dzigere Munyokowere kuChipangayi, mudunhu reChipinge kuManicaland.

Mhuri idzi dzinonzi dzakatopiwa tsamba dzekudzizivisa kuti dzinge dzabva panzvimbo iyi mukati memazuva manomwe, kukundikana kwadzo dzinozobviswa nechisimba.

Mutungamiri wePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti mhuri idzi dzakatambira matsamba aya, ayo anonzi akanyorwa musi wa 27 mwedzi wapera, dzichiziviswa kuti dzinge dzabva munzvimbo iyi panopera zuva nemusi wa 05 mwedzi uno.

VaMadhuku vanoti matsamba aya akabva kuhofisi yebazi rezveminda nekugariswa patsva kwevanhu, kunyange hazvo mhuri idzi dzagara panzvimbo iyi kubva muna 1992 padzakagariswa zviri pamutemo nevaive mudzviti wedunhu iri.

Vanoti chakaita kuti mhuri idzi dzigariswe panzvimbo iyi chaive chikumbiro chevarimi vachena vaiveko vaida kuti vabatsirwe nemasvikiro kuchenesa nzvimbo yavo.,

Asi vanoti chiri kunyanya kurwadza mhuri idzi ndechekuti hurumende haina kutanga yagara navo pasi isati yavapa matsamba ekuti vabviswe aya.

Vanoti hapana kana hurongwa huripo hwekuti vana vechikoro vachaita sei, uye hapana nzvimbo yavati varatidzwa yekunzi ndiko kwavachaendeswa.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvekurima nekugariswa patsva kwevanhu pamusoro penyaya iyi.

Hurukuro naVaClaris Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG