Accessibility links

Breaking News

European Union Inomutsiridza Zvirango Zvayakatemera Kambani yeZimbabwe Defence Industries


Kambani yeZimbabwe Defence Industries ndiyo inogadzira zvombo munyika.
Kambani yeZimbabwe Defence Industries ndiyo inogadzira zvombo munyika.

Sangano reEuropean Union razivisa kuti ramutsiridza zvirango zvarakatemera kukambani inogadzira zvombo muZimbabwe, yeZimbabwe Defence Industries kuburikidza nekurambidza kutengeswa kana kutengwa kwezvombo kukambani iyi pamwe nekumbobata pfuma yekambani iyi.

Mugwaro raraburitsa, sangano iri rinoti kusavepo kweshanduko dzinooneka kwabvumidza kudzikira kwemagariro evanhu akanaka, kodzero dzevanhu pamwe nyaya dzehupfumi.

Sangano iri rinoti riri kushushikana zvikuru nekusungwa uye kupomerwa mhosva kwevatori venhau, vemapato anopikisa pamwe nevanhuwo zvavo vanenge vasimudza musoro vachitaura zviri kuitika munyika vachizopomerwa mhosva dzekuda kufurira vanhu kuita zvemhirizhonga.

European Union inoti inoona kuvandudzwa kwemutemo une chekuita nesarudzo sedanho rakakosha zvikuru mukusimbisa hutongo hwejekerere uye icharamba ichitsigira Zimbabwe panyaya iyoyo.

Sangano iri rinotiwo zvirango zvamutsiridzwa izvi hazvisi kuzobata vana veZimbabwe kana kukanganisa hupfumi hwenyika kana kutengeserana kweZimbabwe nedzimwe nyika kwagara kuripo.

Rinoti rakagadzirira kutsigira nyaya dzehupfumi nezvematongerwo enyika kana chete hurumende yeZimbabwe yakaratidza kuzvipira kwayo.

Razivisawo kuti zvirango zvekufamba zvakanga zvakatemerwa vanhu vatatu vemuZimbabwe zvakazosendekwa parutivi zvicharamba zvakaasendekwa, kunyange hazvo risina kudoma vatatu ava nemazita.

Zvirango izvi zvinotariswa gore rogaroga mumwedzi waKukadzi.

Studio 7 yakundikana kubata munyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Amassador James Manzou, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa kanawo munyori mubazi rekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF kuBritain, Doctor Simba Mavaza, vanoti danho reEuropean Union iri harina zvarinoreva nekuti pariri kuti kodzero dzevanhu dziri kutyorwa hurumende inenge ichitotevera bumbiro remitemo kuburikidza nekusunga vanenge vatyora mutemo yenyika.

Doctor Mavaza vanotiwo zvinoshamisa kuti European Union iri kutemera zvirango kambani inogadzira zvombo asi ivo vanhu vairi kuti vari kutyorerwa kodzero dzavo vachisungwa nemapurisa, kwete nemauto.

Asi Eurioopean Union inopomerawo mauto kuti ane chekuita nekutyorwa kwekkodzero dzevanhu munyika.

Hurukuro naDoctor Simba Mavaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG