Accessibility links

Breaking News

Ongororo yeERC Inoratidza Kuti Kumaruwa Vachiri Kutya Mhizirizhonga muNguva yeSarudzo


Vazhinji vekumaruwa vanonzi vachiri kutya mhirizhonga yakaitika muna 2008 munguva yesarudzo.

Sangano reElection Resource Center rinoti vanhu vakawanda kumaruwa vachiri kutya mhirizhonga inoitika munguva dzesarudzo, kunyange hazvo munyika musina mhirizhonga yakaitika munguva yeongororo yakaitwa nesangano iri.

Vachiparura ongororo yekaitwa nesangano ravo pakati paNdira naKubvumbi gore rino, mukuru weElection Resource Center, VaTawanda Chimhini, vati vanhu vekumaruwa vachine kakutyira kuti munguva yesarudzo kuchaitika mhirizhonga, sezvinogara zvichiitika musarudzo dzemunyika.

VaChimhini vati nepamusana pekutya uku kuri muvanhu, Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, inofanirwa kuvandudza hurongwa hwayo hwekudzidzisa vanhu kuvhota murunyararo, kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzakasununguka.

VaChimhinhi vati kunyange hazvo kwaiva nerunyararo munharaunda dzakawanda munguva yetsvakiridzo yavo, mudzimwe nzvimbo vanhu vaimbunyikidzirwa kodzero dzavo vachimanikidzwa kuratidza magwaro anoratidza kuti vakanyoresa kuvhota.

VaChimhinhi vakurudzira ZEC kuti ibude pachena pamaitiro ayo basa, sezvinodiwa nemitemo yenyika.

Kunyange hazvo ZEC iri kunetsana nemapato anopikisa panyaya dzekudhindwa kwemapepa ekuvhotera nezvimwe, VaChimhini vati pane zvimwe zviri kuitwa neZEC zvakanaka zvinoratidza kuti iri kuteerera zvainenge yaudzwa kuti iite nemapato anopikisa, vachiti zvakakosha kuti ZEC iite basa rayo rose nemazvo.

VaChimhini vati sangano ravo richaramba richiita ongororo kudzamara sarudzo dzaitwa musi wa 31 Chikunguru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG