Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Vokurudzirwa Kuramba Vachidyidzana neVari Kumusha


Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zvinokwanisa kuumba mabhizimusi kana kupinda mune zvematongerwo enyika.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zvinokwanisa kuumba mabhizimusi kana kupinda mune zvematongerwo enyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kukurudzirwa kuti zvirambe zvichitevera zviri kuitika kumusha kuburikidza nekuramba zvichidyidzana nevari kumusha pamwe nekutevera zviri kuitika, mungave mune zvematongerwo enyika kana mabhizimusi.

Doctor Chipo Dendere, avo vanodzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheGettysburg College, chiri mudunhu rePennyslvania muAmerica, vanoti imwe nzira huru inoita kuti vanhu vari kunze kwenyika vazive zviri kuitika kumusha, kuverenga nhau zuva roga roga.

Vanotiwo izvi ndizvo zviri kubatsira zvikuru dzimwe nyika dzemuAfrica dzine zvizvarwa zviri kunze, dzakaita seNigeria, Ghana nedzimwe, kuburikidza nezvizvarwa zvasdzo zviri kupinda mune zvematongerwo enyika kana kutanga mabhizimusi.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni matatu zvinofungidzirwa kuti zviri kunze kwenyika, uye mari dzinotumirwa nevanhu ivava ndidzo dziri kubatsira zvikuru mukufambisa hupfumi hwenyika.

Vazhinji vevari kunze kwenyika ava vanonzi vari kuitawo zvirongwa zvakasiyanasiyana zvinosanganisira zvekuvaka, kubatsira vanoshaya uye kusimudzira matunhu avanobva.

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG