Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kukurudzirwa kuti zvirambe zvichitevera zviri kuitika kumusha kuburikidza nekuramba zvichidyidzana nevari kumusha pamwe nekutevera zviri kuitika, mungave mune zvematongerwo enyika kana mabhizimusi.
Doctor Chipo Dendere, avo vanodzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheGettysburg College, chiri mudunhu rePennyslvania muAmerica, vanoti imwe nzira huru inoita kuti vanhu vari kunze kwenyika vazive zviri kuitika kumusha, kuverenga nhau zuva roga roga.
Vanotiwo izvi ndizvo zviri kubatsira zvikuru dzimwe nyika dzemuAfrica dzine zvizvarwa zviri kunze, dzakaita seNigeria, Ghana nedzimwe, kuburikidza nezvizvarwa zvasdzo zviri kupinda mune zvematongerwo enyika kana kutanga mabhizimusi.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni matatu zvinofungidzirwa kuti zviri kunze kwenyika, uye mari dzinotumirwa nevanhu ivava ndidzo dziri kubatsira zvikuru mukufambisa hupfumi hwenyika.
Vazhinji vevari kunze kwenyika ava vanonzi vari kuitawo zvirongwa zvakasiyanasiyana zvinosanganisira zvekuvaka, kubatsira vanoshaya uye kusimudzira matunhu avanobva.
Facebook Forum