Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Voti Vakabatwa Kumeso neZanu PF paBhiri reMitemo yeSarudzo


Gurukuto rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi vanonzi vakaramba kutambira zvizhinji zvaidiwa nevanopikisa kuti zvipinde mubhiri.
Gurukuto rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi vanonzi vakaramba kutambira zvizhinji zvaidiwa nevanopikisa kuti zvipinde mubhiri.

Bhiri remutemo une chekuita nesarudzo, reElectoral Amendment Bill, rakapfuura zvisina dambudziko mudare reseneti manheru emusi weChitatu, zvave kureva kuti rangomirira kusainwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti uve mutemo.

Bhiri iri svondo rapera rakapfuurawo mudare repasi reNational Assembly, kunyange hazvo pakaita kukandirana makobvu nematete pakati penhengo dzeZanu PF neMDC-T dziri mudare iri.

Nhengo dzinopikisa idzi dzinonzi dziri kupomera gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, mhosva yekuramba kuisa mubhiri iri zvose zvadzaida kuti zviiswe zvine chekuita nesarudzo.

Mukokeri wenhengo dzeMDC-T muparamende, VaInnocent Gonese, vanoti zvikuru zvavaida kuti zviiswe mubhiri iri inyaya ine chekuita nekudhindwa kwemapepa ekuvhotesa pamwe nekutengwa kweingi yekuvhotesa, izvo vaida kuti zvitengwe kuburikidza nekutanga paendwa ku tender.

VanoGonese, avo vanomirira Mutare Central muparamende, vanoti izvi ndezvimwe zvezvinhu zvaizobatsira kuti sarudzo dzive dzakachena.

Asi mumiriri wePelandaba/Mpopoma uye vari nhengo yeZanu PF, VaJoseph Tshuma, vanoti sekuona kwavo zvinhu zvakafamba zvakanaka chose sezvo nhengo dzose dzakawirirana dzichishanda pamwechete.

VaTshuma vanoti zvizhinji zvezvinhu zvaida kuiswa neMDC-T mubhiri iri, zvakaita sekuti vanhu vakwanise kunyoresa vasina magwaro epavanogara, zvinhu zvakanga zvave kuteverwa kare, saka zvisina kuiswa mubhiri iri.

asi VaGonese vanoti vanoona sekunge vakatambiswa bhora risina mweya nenhengo dzeZanu PF.

"Vanhu tinenge tichiwiriranaka, tichifunga kuti tiri tese. tozzona kuti aiwa, vamwe maitiro avo, kana kuti tsika dzavo havadi kusiyana nadzo. Hongu pakutaurirana zvedu tanga tisingadi kuti titukane, asi nyaya iripo ndeyekuti vamwe vanoda kubata vamwe kumeso nokuti pane mwongo wenyaya vakaparamba," vanodaro VaGonese.

Hurukuro naVaJoseph Tshuma pamwe naVaInnocent Gonese
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG