Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti riri kushushikana zvikuru nehurongwa hweZimbabwe Electoral Commission, ZEC, hwekuda kudzora mutemo unomanikidza munhu anenge achida kunyoresa kuvhota kuti aburitse tsamba inoratidza paanogara.
MDC-T inoti ZEC haifanirwe kushandisa mutemo uyu sezvo uchizotadzisa vanhu vakawanda kuvhota.
Mashoko eMDC-T aya atsigirwawo nesangano rinoongorora sarudzo, reZimbabwe Election Support Network, ZESN, iro rinotiwo ZEC inofanirwa kushandura mutemo uyu, sezvo uchinyima vanhu vasina dzimba kodzero dzekunyoresa kuti vazove vavhoti.
Masangano maviri aya anoti vakawanda vevanhu vanovhota mumaguta vanhu vanoroja kana kuti vana vevaridzi vedzimba, izvo zvichazoita kuti vanetseke kuwana magwaro anodiwa aya.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanotiwo bato ravo rakatonyorerawo kuZEC richirambawo hurongwa uhwu sezvo huchitooresa mwoyo vanoda kuzonovhota, pane kuti huvakurudzire.
Mukuru weZESN, Amai Rindai Chipfunde-Vava, vanoti sangano ravo rakanga rakapa pfungwa dzaro kuZEC richiramba hurongwa uhwu, asi zvinenge zvave kuratidza kuti ZEC haina kutambira pfungwa idzi.
“Saka tatoshamisika taakuchiona kuti zvinhu zvatopfuurira mberi zvakutoitwa, apa havana kunge vakatideedza sema stakeholders kuti ndizvo here zvatinobvumirana takawanda,” Amai Chpfunde-Vava vanodaro.
Vanoti vanofunga kuti ZEC inofanirwa kushevedza vose vane chekuita nesarudzo, vakaita semapato ezvematongerwo enyika, masangano akazvimirira, pamwe nevemakereke, kuitira kuti vaite muonera pamwe chuma chemuzukuru.
Facebook Forum