Accessibility links

Breaking News

Vemapato Anopikisa Vokurudzirwa Kushandisa Mikana Iripo Kuzvishambadza


Madandemutande akaita seFacebook, Instagram, nemamwe anonzi anogona kubatsira vanopikisa kusvitsa mashoko avo kune veruzhinji
Madandemutande akaita seFacebook, Instagram, nemamwe anonzi anogona kubatsira vanopikisa kusvitsa mashoko avo kune veruzhinji

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dziri kukurudzira mapato anopikisa kuti asamirire kupiwa nehurumende mikana yekuzvishambadza pamaterevhizheni, maredhiyo pamwe nemapepanhau zvehurumende, sezvo mikana iyi ichigona kushaikwa zvachose idzo sarudzo dzaswedera kudai.

Imwe yenyanzvi idzi, uye vari gweta, VaTapiwa Kapurura, vanoti vanopikisa ava vanofanirwa kushandisa mikana iripo kare, inove yemadandemutande kana kuti social media, akaita seFacebook, Whattsap, neTwitter, pamwe nedzimwe nzira dzinoita kuti vasvitse mashoko avo kune veruzhinji.

VaKapurura vanoti nguva yave kupera kuti mapato anopikisa amirire kuti hurumende ivape mikana wekushandisa nhepfenyuro pamwe nemapepanhau zvehurumende, sezvinodiwa nebumbiro renyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG