Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti sarudzo dzegore rinouya dzakakosha uye zvichabuda musarudzo ndozvicharatidza kuti nyika ichabudirira here kana kuti ichaenda kumawere.
Nyanzvi idzi dzinoti nemamariro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi, kukunda kwebato reZanu PF kunoreva nhamo nekutambura kwakanyanya kweveruzhinji, uye hupfumi hwenyika hunobva hwaparara zvachose.
Dzinotiwo kana mapato anopikisa akakunda, zvinogona kuunza tariro yebudiriro asi dzinoti izvi zvinoenderana nekuti anenge achifambisa nyaya dzehupfumi sei.
Vanoongoorora nyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti kunyange Zanu PF ichiti mutungamiriri bato iri, VaRobert Mugabe, ndivo vachamirira bato iri musarudzo, musangano uchaitwa nebato muna Zvita ndiwo uchaburitsa pachena kuti ndiana achamirira bato iri.
Vanoti kukunda kwaVaMugabe, avo vanenge vave nemakore makumi mapfumbabwe nemana, hakunakiri nyika zvachose.
Asi vanoti zvinhu zvinogona kufamba zvakanaka kana Zanu PF ikakunda iine mutungamiri asiri VaMugabe.
Asi mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vanoti nekutambura kuri kuita vanhu nekushaya mari, mabasa nezvimwe zvinonetsa kuti vanhu vavhotere bato reZanu PF zvisinei nekuti ndiani ari kutungamira bato iri.
Vanoti kunyange hazvo bato iri rakakunda muna 2013, hapana kana chimwe charakaita pane zvarakavimbisa vanhu nekudaro hapana chikonzero chekuti vanhu vavhotere bato iri.
Asi VaRuhanya vanobvuma kuti Zanu PF ine mukana wekukunda uye kana izvi zvikaitika zvinhu zvichaomera vakawanda.
Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vanoti semaonero avo, bato reZanu PF riri kukunda musarudzo dza2018 nekuti bato iri ndiro rakabata matomu uye havaoni pachiuya shanduko gore rinouya.
Vanobvuma kuti kubuda kweZanu PF kuchaita kuti nyika irambe iri mumatope.
Vanotiwo kunyange zvikaoma sesarudzo dzapfuura, havawoni Zanu PF ichibvuma kushanda nemamwe mapato sezvakaitika mushure mesarudzo dza2008.
VaMudzengi vanotiwo kana vemapato anopikisa akakunda vanotarisirwa kuunza hutongi hwejekere pamwe nekurwisa huwori uhwo hwakanganisa hupfumi pamwe nekufambiswa kwebasa mumapazi ese ehurumende.
VaRuhanya vanoti kuti mapato anopikisa akunde, anofanira kubatana oshanda pamwe mumatunhu ese munyika vachiti, bato reZanu PF rinotsigirwa nemauto, vasori, mapurisa nevashandi vehurumende musarudzo.
VaDavid Mukushwa vari musangano reNational Electoral Reform Agenda vanoti sarudzo dza2018 dzasiyana nedzimwe dzese nekuti kana dzikasaitwa zvinogutsa munhu wese, zvinhu zvinogona kunetsa munyika.
Pari zvino komisheni yesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission iri kushanda nemapato ese munyika kugadzira hwaro hwekuti sarudzo dzichafambiswa sei. Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti dzikaitwa zvakajeka nyika inogona kufambira mberi.
Asi vanoti dambudziko rekusagutsikana nemafambisirwo anoitwa sarudzo rikaramba riripo, zvichakanganisa zvinenge zvabuda musarudzo uye zvinoita kuti hupfumi hwenyika nemagariro evanhu arambe achidzikira.
Zvinhu hazvina kuzombofamba zvakanaka kubvira pakatanga kuita sarudzo dzainzi nemapato anopikisa dzaibirwa neZanu PF muna 2000.
Facebook Forum