Zvikoro zvavhurwa Chipiri hwaro hutsva hunoratidza zvidzidzo zvichaitwa muzvikoro kana kuti curriculum huchinzi hahusati hwaburitswa nebazi redzidzo yepasi neyepamusoro sezvanga zvakatarisirwa nevarairidzi.
Sangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinoti kusavepo kwehwaro hwedzidzo uhwu kwaita kuti varairidzi, zvikuru vekumaruwa, vakundikane kugadzirira mazano ezvidzidzo zvavachapa kuvana kotoro ino sezvo vasina syllabus yekushandisa.
Sangano iri rinoti dambudziko remuzvikoro rawedzerwawo zvakare nekuwedzerwa kwezvimwe zvidzidzo zvitsva kusekendari zvinoti asi pasina varairidzi vatsva.
Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvedzidzo yepasi VaLazarus Dokora sezvo nharembozha yavo yanga isingadairwi.
Asi sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepurayimari uye vari nhengo yeZanu PF inomirira Matobo North, VaNever Khanye vaudza Studio 7 kuti maziviro avo ndeekuti hurongwa uhu huri kufamba zvakanaka.
Asi vati vanoda kutanga vanzwa kubva kuna VaDokora vasati vaenda pamhepo nesu.
Munyori mukuru weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaRobson Chere vanoti mamiriro akaita zvinhu muzvikoro mucherechedzo wekuti hurumende yakamhanya kuita zvinhu isina kugadzirira.
"Muongororo yataita munhengo dzedu dziri mumativi mana enyika taona kuti hapana zvidzidzo zvabudirira muzvikoro zvakati wandeyi kunyanya muzvikoro zve secondary," VaChere vanodaro.
vanoti varairidzi havasati vanzwisisa kuti curriculum itsva iri kunzi inofanirwa kutanga iyi inotangwa sei.