Vamwe vagari vekuMasvingo vari kunyunyuta zvikuru nezvavanoti zviri kuitwa nekambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Supply Authority kana kuti ZESA zvekuvadzimira magetsi pasina kuvazivisa paine nguva.
Vataura neStudio 7 vanoti kudzimwa kuri kuitwa magetsi kwenguva dzakareba pazuva kuri kukanganisa magariro avo sezvo vachiasevenzesa mune zvakawanda kusanganisira kubikira mhuri dzavo nezvimwe.
Mumwe mugari weku Runyararo West, VaHardlife Tangai vanoti kudzimwa kuri kuitwa magetsi zvisina mwero kunogona kuuraya midziyo yavo inoshandisa magetsi kana kupisa dzimba.
Vamwewo vashoropodza ZESA ndi Muzvare Nyaradzo Mutandi avo vati nyaya yekusaziviswa paine nguva kuti magetsi achadzimwa inopa kuti vatadze kugadzirira.
Muzvare Gina Poshai anoti vagari vave kumanikidzwa kutsvaga huni sekunge vave kugara kumaruwa.
Nyaya yekuti magetsi ari kudzimwa kwenguva yakareba iri kupawo kuti vanhu vagume varasa chikafu chavo chinenge chiri mumafridge sezvo chinenge chaipa.
Vamwe vagari vakawanda vanoti kudzimwa kuri kuitwa magetsi kwadzora ndangariro dzegore ra 2008 apo nyika yakambosangana nedambudziko rakadai.
Vati zviri kuitika zviri kuratidza kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanenge vave kuremerwa nekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Muzvare Esther Chimanikire vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revagarfi reveMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance,(MURRA) vanoti ZESA iri kutyora kodzero dzevagari.
Mushure mekunge vagari vanyanya kunyunyuta, ZESA yakazoisa chiziviso chekuti magetsi aya ari kudzimwa nenyaya yekuti kambani iyi iri kugadzira zvimwe zviteshi zvemagetsi zviduku.
Asi vagari vanoti chiziviso ichi chanonoka kuuya uye hachitaure kuti magetsi achamira kudzimwa riinhi.
Facebook Forum