Accessibility links

Breaking News

Tarisiro yeWorld Bank Munyaya dzeHupfumi Yoshamisa Nyanzvi Dzakawanda


World Bank
World Bank

Bhanga repasi rose reWorld Bank, svondo rino rakazivisa kuti hupfumi hwenyika hunogona kukura nezvikamu zvitatu nezviga zvisere kubva muzana, (3.8%).

Gwaro rakaburitswa neWorld Bank rinotarisa nezveupfumi hwenyika dzepasi rose, reGlobal Economic Prospects rinoti upfumi hweZimbabwe uhwu huchakurawo nezvikamu zvitatu nezviga zvina kubva muzana mugore ra2019.

Tarisiro yeWorld Bank iyi inopfuura yakaburitswa negurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa yekuti hupfumi hwenyika huchakura nechikamu chimwe nezviga zvinomwe kubva muzana, (1.7 %).

Kunyange hazvo bhanga repasi rose iri riri kuti hupfumi hwenyika huchakura, yakayambirawo kuti tarisiro iyi inogona kusabudirira sezvakatarisirwa sezvo hupfumi hwenyika pasi rose husinawo kumira zvakanaka.

Asi dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti zvinonetsa kutambira tarisiro yeWorld Bank iyi, sezvo nyika yakatarisana nematambudziko akawanda anosanganisira kunetsa kwemari, kuvharwa kwemakambani pamwe nekusanaya zvakanaka kwemvura mumakore apfuura.

Mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanove mumwe wenyanzvi dziri kushamisikawo nemaonero eWorld Bank aya, vanoti dzimwe nguva bhanga guru iri rine zvimwe zvarinoziva pamusoro pehupfumi hweZimbabwe zvavasingazivi.

VaMufukare vanoti vakaonawo gwaro irori vakatombokurukura nezvaro vachishamisika.

"Takaona report iyoyi takatombokurukura nezvayo tichiizeya tichishamisika kuti World Bank inenge ine zvairi kuona zvisiri kuonekwa naMinister of Finance and Economic Planning wedu. Unless World Bank unless World Bank knows something chatisiri kuziva isusu vagari vemuno," VaMufukare vanodaro.

Hurukuro naVaJohn Mufukare
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG