Mapurisa emuHarare anonzi ambomisa kufora kwanga kwakarongwa nenhengo dzesangano revanotengesera mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, idzo dzanga dzichida kunosiya magwaro enyunyuto kumahofisi ekanzuru yeguta reHarare.
Mukuru weVISET, VaSamuel Wadzayi, vanoti vambosendeka parutivi hurongwa hwavo hwekufora uhwu mushure mekunge mapurisa avakumbira kuti vatange vasangana nemukuru wemapurisa emuHarare mangwana, uyo anove mutsva.
Mukuru wemapurisa uyu anonzi ari kuda kutanga aziva mamiriro esangano iri.
VaWadzayi vanoti kunyange hazvo bumbiro remitemo richivapa masimba ekuratidzira vasina kutanga vakumbira mvumo kumapurisa, vaona zvakakodzera kuti vatange vavapa mukana wavari kuda wekusangana vachinzwawo kubva kumukuru wepamurisa uyu.
Asi vanoti kana musangano wavo uyu wakatadza kuburitsa chimuko vachaenderera mberi nekufora kwavo, vachitiwo kana mapurisa akada kuvarambidza kuratidzira uku, vachaenda kumatare edzimhosva.
VaWadzayi vanoti zvimwe zvezvinyunyuto zvavo zvinosanganisira kushungurudzwa kwevanotengesera mumigwagwa nevashandi vekanzuru pamwe nemapurisa, kutorerwa zvinhu zvavo uye kumanikidzwa kubhadhara mari dzezvioko muhomwe.
Facebook Forum