Accessibility links

Breaking News

Danho Rekuti Varimi Vatengese Chibage Chavo kuGMB Chete Roonekwa Zvakasiyanasiyana


Varimi vari kukurudzirwa kuti vatengesere chibage chavo kuGMB chete
Varimi vari kukurudzirwa kuti vatengesere chibage chavo kuGMB chete

Vamwe varimi vanonzi havasi kufara nehurongwa hwehurumende kwekuti vangotengesa chibage chavo kuGMB chete, kwete kune vanogaya upfu, avo vanonzi nehurumende vanofanirwa kutenga chibage kubva kuGMB.

Varimi ava vanonzi vari kunyunyuta kuti havasati vabhadharwa mari dzavo neGMB dzechibage chavakatengesa makore apfuura.

Varimi ava vanonzi vari kuchema-chemawo kuti GMB inonoka kuvabhadhara kana zvichienzaniswa nevanogaya upfu, avo vanonzi vanobhadhara ipapo pavanongotenga chibage.

Hurumende yakazvisa neChitatu kuti GMB ndiyo chete ichabvumidzwa kutenga chibage kubva kuvarimi nemutengo unoita mazana matatu nemakumi mapfumbamwe emadhora patani rogaroga.

Gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vakaudza bepanhau reHerald kuti hurumende yakatora danho iri senzira yekutsigira varimi.

VaMade vakazivisawo kuti hurumende yakamisa kutengwa kwechibage kubva kunze.

Mukuru werimwe sangano revarimiri reZimbabwe Farmers’ Union, VaPaul Zakariya, vanoti sangano ravo rinotambira chose danho rehurumende iri, sezvo hurumende yakavavimbisa kuti ichapa varimi mari dzavo pavanongotengesa chibage chavo kuGMB.

Vanoti danho iri richadzivirirawo varimi kubva kumakoronyera anotenga nekeshi asi achitenga nemutengo uri pasi kwazvo.

VaZakariya vanoti pane hurongwa hwekuti varimi vachine mari dzichiri kuGMB vabhadharwe.

"Isu takaita misangano nevakuru veGMB tichida kuti tinzwisise kuti vasati vabhadharwa vanobhadharwa riini. Matanho iwayo ose akaitiwa zvekuti kuma office kwedu tinenge tichitokurudzira kuti kana kuine murimi anoti iye handisati ndabhadharwa vakatizivisa tinogona kubatsira zvachose kuti vanhu vagone kubhadharwa mari dzavo," vanodaro VaZakariya.

VaZakariya vanoti dambudziko ringangovepo chete nderekuti varimi vose vange vaine mabhuku ekumabhanga, sezviri kukurudzirwa nehurumende kuitira kuti zvive nyore kuvabhadhara.

Vanoti nekuda kwekunetsa kuri kuita mari kumabhanga mazuva ano, vachaona varimi vachinetsekana kuwana mari nenguva yavanenge vachiida.

Hurumende inonzi yakaunganidza mari inokwana kutenga chibage chine huwandu hwematani miriyoni nezana rezviuru, izvo zvinonzi zvichapa kuti varimi vagobhadharwa mari dzavo nekukasika.

Hurukuro naVaPaul Zakariya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG