Accessibility links

Breaking News

Mitengo yeZvinhu Inokwira Izvo Zvoomesera Vakawanda


Kuiswa kwemari yerudzi rwe bond-note pamisika kunonzi kwakawedzerawo kukwira kwe inflation.
Kuiswa kwemari yerudzi rwe bond-note pamisika kunonzi kwakawedzerawo kukwira kwe inflation.

Mitengo yezvinhu munyika inonzi iri kuramba ichikwira izvo zviri kusiya vanhu vakawanda vari parumana nzombe.

Gwaro rakaburitswa neZimbabwe National Statistics Agency, Zimstat, rinoratidza kuti mitengo yezvinhu yakakwira nezvikamu zviri pakati, zvinosvika 0,21 kubva muzana kubva mumwedzi waKurume wegore rapera kusvika Kurume wegore rino.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangno reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti zvinhu zvinogona kunge zvakaita kuti mitengo ikwire zvinosanganisira mafuta ekufambisa.

Doctor Chitambara vanotiwo imwe nyaya inogona kunge iri yekuparurwa kwakaitwa mari yerudzi rwema bond note nehurumende, izvo zvakaita kuti mari iwande mumisika.

Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinotiwo kudzikwa kwemutengo weStatutory Instrument 64, uyo unorambidza kupinzwa munyika kwezvigadzirwa zvekunze kunogona kunge kuine chekuita nekukwira kwemitengo uku.

Zvekudya zvakaita semafuta ekubikisa zvinonzi ndizvo zvazara muzvitoro zvemunyika, asi mafuta anobva kunze achiri kuwanikwa mumisika mitema sezvo achiri kupinzwa munyika zviri kunze kwemutemo.

Mitengo yezvinhu inonzi yakakwira kekutanga mukati memwedzi makumi maviri nemipfumbamwe mushure mekunge yadzikira zvakanyanya kutanga muna Kukadzi wegore ra2014.

Izvi zvakaita kuti zvinhu zvigare muzvitoro zvisina anotenga sezvo mari yaitenderera munyika yaive shoma, kana kuti deflation.

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG