Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Votsamwiswa neKusawedzerwa Mihoro Mwedzi Uno


Vamwe vashandi vehurumende vanoti kusavimbika kwehurumende kuchaita kuti varatidzire kana kuramwa mabasa.
Vamwe vashandi vehurumende vanoti kusavimbika kwehurumende kuchaita kuti varatidzire kana kuramwa mabasa.

Zvinhu zvinonzi hazvichina kumira zvakanaka muvashandi vehurumende zvichitevera kusawedzerwa kwemari dzemihoro yavo nehurumende, sezvavaitarisira kuti ichaita mwedzi uno.

Mauto, mapurisa, majerigadhi pamwe nevarairidzi vakawana magwaro emihoro yavo yemwedzi uno vanonzi havasi kufara zvachose nekusawedzerwa kwemihoro yavo kuti ifambirane nekumwira kwemitengo yezvinhu.

Mumwe mushandi wehurumende atya kudomwa zita rake, anoti mari yaanosara nayo pamwe yakatodzikira zvakanyanya mwedzi uno zvichitevera kukwidzwa kwakaitwa mari yaanobatirwa nekambani yeNyaradzo yekuti iye nemhuri yake vagozochengetedzwa zvakanaka kana vachinge vazoshaya.

Mushandi uyu anoti mwedzi uno akasara aine 285.00 RTGS dollars mushure mekubviswa kwemitero nezvimwe zvaanobatirwa zvinosanganisira zvikwereti.

Asi paazoenda kubhanga kwake kuti atore mari yake, azowana yave 270.00 RTGS dollars mushure mekunge bhanga ratorawo mitero yaro. Anoti chave kuraramisa vashandi vehurumende vakawanda kutengesa chero chavawana chinotengeseka.

Hurukuro nemushandi wehurumende
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti varairidzi vakatsamwa chose nekusawana mari yavakanga vavimbiswa negurukota rezvevashandi, Amai Sekai Nzenza.

Asi gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vakabudawo munhau vachiti hurumende yakanga isina hurongwa hwekuwedzera vashandi vayo mari mwedzi uno.

Ukuwo VaMajongwe vanoti havaoni nhengo dzavo dzichibudirira kuenda kumabasa svondo rinouya nekuti dzinenge dzisisakwanise kuwana mari dzekufambisa.

Hatina kukwanisa kubata Amai Nzenza kanawo Muzvinafundo Ncube kuti tinzwe pamire hurumende panyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG