Accessibility links

Breaking News

VeMabhizimusi, Vatengi, Votambira Hurongwa hweMari Itsva yema Bond Note Huri Kuparurwa Svondo Rinouya


Ruzhinji rwevanhu rwunonzi harwuna chivimbo nemari itsva iyi vachiti ino vafungisa nezvema bearer cheque
Ruzhinji rwevanhu rwunonzi harwuna chivimbo nemari itsva iyi vachiti ino vafungisa nezvema bearer cheque

Mamwe masangano anomirira vemabhizimisi pamwe nevatengi munyika anoti achatsigira chirongwa Reserve Bank of Zimbabwe chema Bond Note icho chiri kutarisirwa kutanga mwedzi unoouya senzira yekukurudzira makambani nevanhu kuti vagadzire nekurima zvinhu zvekutengesa kunze wenyika.

Izvi zvinotevera tsanangudzo yapihwa mukuru webhanga iri, VaJohn Mangudya,pamusangano wange wakarongwa nesangano rinonomirira vemabhizimisi reZimbabwe National Chamber of Commerce muHarare.

Vachitaura pamusangano uyu nhasi VaMangudya vati bhanga ravo richaparura mari yema Bondo Note nemusi wemuvhuro unoouya uye mari iyi nemusie wemuvhuro unouuya uye vachatangawo kuishambadza munzvimbo dzese munyika isati yatanga kushandiswa.

VaMangudya Havana kutaura kuti mari iyi ichatanga kushanda musi upi uye vati vanoda kuti vanhu vatange vaziva mari iyi pamwe nekunzwisisa kuti ichange ichishanda sei.

VaMangudya vati mari ichange ichitsigira maBond Notes yatove munyika havani havafaniri kufunga kuti kuuuya kwemari iyi kudzoka kwemari yemuno vachiti maBond Notes achange achitsigirwa nemamiriyoni mazana maviri emadhora akabva kuAfrica Import and Export Bank.

Vatiwo chinangwa chayo ndeche kukurudzira kuti makambani agadzire zvinhu zvakawanda zvekutengesa sezvo zviri izvo zvinowanisa nyika mari.

Vatiwo vanotumira mari kubva kunze vachange vachiwana mari iyi inove zvikamu zvishanu kubva muzana pamari inenge yapinda munyika.

Mukuru wesangano rinomirira vatengi reConsumer Council of Zimbabwe, Amai Rosemary Siyachitema, vanoti vanhu vatengi vakwanada munyika vange vasina vimbo nekuti veRBZ vange vasiri kubuda pachena pamusoro pemaBond Notes.

Asi vati kunyange hazvo vave neruzivo rwekuti zvinhu zvichange zvichifamba sei, RBZ inofanira kuramba ichidzidzisa veruzhinji uye inofanira kushanda nemasangano akaita seravo nemamwe anoshanda nenvanhu mukudzidzisa vanhu pamusoro pemaBond Notes.

Mukuru wesangano rinomirira vemabhizimisi anoita zvekutengesa zvinhu , reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vaudza musangano wanhasi kuti vanotsigira ma Bond Note uye vati vanovimba kuti RBZ ichamira nekuita zvairikuvimbisa vanhu.

Mutevedzeri wemutungamiriri wesangano revemaindasitiri reConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vaudzawo musangano wanhasi kuti sangano ravo rinotsigira chirongwa cheRBZ.

VaMangudya vati chinangwa chavo nechekuda kusimudzira hupfumi hwenyika, uye vati zvinosuwisa kuti vamwe vri kushoropodza chirongwa chemaBond Notes ndevaya vari kuita basa rekutengesa mari pamusika mutemu uye vayambira kuti vachashandisa mutemo kuranga vanhu.

Vaenderera mberi vachiti chinodiwa muZimbabwe kumutsiridza maindasitiri, kugadzirisa mitemo yezvamabhizimisi munyika pame nekugadzirisa nyaya dzematongerwo enyika kuti vemakambani ekunze neemuno vakwanise kutanga mabhizimisi muno.

Zimbabwe yakatarisana nedamudziko rekushaikwa kwemari rinotyisa uye VaMangudya vanoti dambudziko iri rinopera chete kana nyika yava kugadzira zvinhu zvakawanda.

Pari zvino nyika iri kutenga zvinhu zvakawanda kunze kudarika zvainotengesa izvo zvinoita kuti nyika igare isina mari.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG