Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Citizens Initiative Yorangarira VaItai Dzamara neVamwe


VaItai Dzamara
VaItai Dzamara

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri pasi pesangano reZimbabwe Citizens Initiative zviri kuungana paManchester University kuBritain neMugovera uno zvichirangarira murwiri wekodzero akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara.

Vakafanobata chigaro chasachigaro wesangano iri, VaPromise Sande, vanoti vachatoravo mukana wekuungana uku kuti varangarirewo vose vakashungurudzwa kana kutyorerwa kodzero dzavo nehurumende, kusanganisira Gukurahundi.

Murwiri wekodzero anoita zvemitambo, Silvanos Mudzvova, ari kutarisirwawo kutandadza vanhu nemutambo wake unonzi "The Dungeon".

Nemusi weChina 9 Kurume gore rino, VaDzamara vari kusvitsa makore maviri kubva pavakambwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori mumusha weGlen View muHarare musi wa 9 Kurume 2015.

Hurukuro naVaPromise Sande
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG