Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri pasi pesangano reZimbabwe Citizens Initiative zviri kuungana paManchester University kuBritain neMugovera uno zvichirangarira murwiri wekodzero akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara.
Vakafanobata chigaro chasachigaro wesangano iri, VaPromise Sande, vanoti vachatoravo mukana wekuungana uku kuti varangarirewo vose vakashungurudzwa kana kutyorerwa kodzero dzavo nehurumende, kusanganisira Gukurahundi.
Murwiri wekodzero anoita zvemitambo, Silvanos Mudzvova, ari kutarisirwawo kutandadza vanhu nemutambo wake unonzi "The Dungeon".
Nemusi weChina 9 Kurume gore rino, VaDzamara vari kusvitsa makore maviri kubva pavakambwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori mumusha weGlen View muHarare musi wa 9 Kurume 2015.
Facebook Forum