Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anokanganisa Kurangarirwa kwaVaVaItai Dzamara muHarare.


Doctor Patson Dzamara
Doctor Patson Dzamara

Mapurisa muHarare anonzi akanganisa hurongwa hwekurangarira kusvitsa gore nemwedzi miviri kwemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara

Mapurisa muHarare anonzi akanganisa hurongwa hwekurangarira kusvitsa gore nemwedzi miviri kwemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, mushure mekusunga nekumbochengetedza munini’na waVaDzamara, Doctor Patson Dzamara.

Hurongwa uhwu hwanga hwuchifanirwa kuitirwa muAfrica Unity Square, inove nzvimbo yairatidzira VaItai Dzamara vari vachikurudzira kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasiye chigaro sezvo vatadza kutonga.

Doctor Dzamara vanoti vatorwa nemapurisa kaviri, kekutanga vakachengetedzwa patende yemapurisa iri muna First Street kwemaminitsi angada kusvika kumakumi mana vakaregedzwa.

Kechipiri vazotorwa pamwechete naPastor Patrick Mugadza vakaendeswa kuHarare Central Police Station kwavanoti vazochengetedzwa kwemaawa matatu vari mumotokari yemapurisa asi vakazoregwa vasina mhosva yavapomerwa.

“Asi chandifadza chiitiko chisati chamboitika chekuti vanhu vanga vaungana vatevera kumapurisa vachiimba kambo “Senzenina” vachiti hatina zvatambotadza saka hatifanirwe kusungwa. Izvi zvandipa hushingi hwakasimba,” Doctor Dzamara vanodaro.

Doctor Dzamara vanoti kunyange hazvo chiitiko ichi chakanganisa hurongwa hwavo, vari kuronga kuungana zvakare muAfrica Unity Square neChipiri kuti vaenderere mberi nehurongwa hwavo hwekunamatira kudzoka kwemukoma wavo.

VaDzamara vakapambwa musi wa 9 Kurume gore rapera nevarume vashanu vanofungidzirwa kuti vasori, uye kubva ipapo kusvika nhasi hapana ati anzwa nezvavo.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Hurukuro naDr. Patson Dzamara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG