Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vonyunyuta neKusiiwa Muchirongwa cheZEC Chekunyoresa Kuvhota


Mumwe wevakaremara anogara muGweru
Mumwe wevakaremara anogara muGweru

Vakaremara nevakwegura vanoti vari kusiyiwa muchirongwa chekunyoresa kuvhota che Zimbabwe Electoral Commission sezvo pasina zvikwanisiro zvekuti vashandise.

Vakaremara nevakwegura ava vanoti vanenge vachida chaizvo kusarudza hutungamiri hwavanoda, asi havakwanisi kusvika kunzvimbo dzekunyoresa.

Muzvare Nasper Manyau veku Glen Norah muHarare, vakaremara makumbo ese uye vanofamba ne wheel-chair.

Muzvare Manyau, avo vane makore makumi mana nematatu ekuberekwa, vanoti vakawanda vakaremara vari kutongozvigarira zvavo mumba panguva yekunyoresa kuvhota.

“Tiri kusangana nema challenges ekufamba chaiko because kuti uende kwaunobva uchatsvaga anokupusha kuti uende kuno regista. Uchapinda mukombi, uchabhadhara yevanhu two, three newheelchair yako. It depends nahwindi wawasangana naye. Kuti unosvika pakunoregista kwacho pane dambudziko nekuti hapatorina kana ramp. Kuti upinde chaiko panotonetsa.”

Muzvare Manyau vanoti mamiriro ezvinhu aya anotyora kodzero dzevakaremara nevakwegura kunyanya vari kumaruwa.

“Kumamisha ritori dambudziko nekuti hakuna mafambiro, havakwanise kufamba kuti vanorejista. Kutori nema virgin voters vasati vambovhota zvavo vanofanira kuti vavhote, but havafakwanise nekuti tikatarisa hurumende yedu havasi kutipawo mukana wekuti vatibatsire kuti ndorejista sei, ndofamba sei kunorejista? Saka chinhu chandiri kutoona kuti chinotonetsa munyika yedu yeZimbabwe.”

Muzvare Manyau vanoti kodzero dzevakaremara dziri mubumbiro remitemo yenyika, nekudaro hurumende inofanirwa kudzikoshesa.

I think Zimbabwe inyika inokwanisa kutsvaga transport yekuti vatranspote vanhu vari disabled vano rejiste. Nekuti vakauya vakati tiri kutakura mu Glen Norah, tiri kutakura vanhu vasingakwanisi kufamba kuti vanorejista, vanokwanisa kutakura.

"Nekuti tikatarisa muZimbabwe, mari dziri kungo splashwa somewhere dzimwe dzichitengera ma chief mota, chii chii. Mari idzodzo vakadzishandisa saizvozvo tinokwanisa kuve neshanduko. Tiri ipapo, tikatarisa kuti vhota registration, awareness chaiyo haina kana kutosvika kuvanhu vari disabled. Nekuti ndikatora vanhu vari deaf, havana chavakambonzwa kuti zviri kufamba sei, nekuti hakuna sign language kuti vaudzwe. Havasi vese vari pama TV. Saka vaifanira kuwana a way yekuti vaudze vanhu. Plus taenda ku registration kwacho hakuna vari ku assista, vari kutaura ne sign language kuti munodai. Vanongoti verenga bepa. Havasi vese vakadzidzaka.”

Muzvare Petronella Mandowa, avo vane makore makumi matatu nematatu ekuberekwa, mugari wemuHarare. Muzvare Mandowa vanoti kunyange vakasvika kunzvimbo dzekunyoresa kuvhota, vakaremara vanonetsekana zvikuru.

“Vachinge vapinda mukati imomo, mumwe munhu anenge achifamba ari pa wheelchair, anenge ane hurema hwemaoko asingakwanise kuita zvaanotarisirwa kuita. Haasi kukwanisa kubatsiriswa mukati imomo. Anosvika otambidzwa bepa iye dzimwe dzenguva haakwanise kunge achinyora kana kubata bepa iroro ari oga.”

Vanotsigira mazwi aMuzvare Manyau ekuti dambudziko rekunyoresa kuvhota rakanyanyokura kumaruwa.

“Totarisawo vanhu vachembera sekumamisha, inini kumusha kwedu ukatarisa kunenge kune BVR yachona nepamba pandinobva unogona kufamba 5 kilometres. Saka chitarisai kuti ambuya vangu vanenge vane 82 years, vanokwanisa here kufamba panzvimbo iyoyo vachienda kunzvimbo yavanofanira kunge vachinovhotera?”

Mai Ndaizivei Nhekairo vekuZaire kuHwedza vana amai wavo vanoshandisa madondoro pakufamba. Havakwanise kunyatsoshandisa divi rese remuviri wavo nekuda kwechirwere cheshuga. Vanoti vanorwadziwa kuona amai wavo, avo vane makore makumi matanhatu nemanomwe, vachishaya mukana wekuvhota ivo vachida kuzvisarudzira vega mutungamiri wavanoda.

“Kodzero yavo yekuvhota tanga tichiti dai zvichikwanisikawo chero munhu akakwanisa kuti anouya kuno uku kunzvimbo achivavhotesawo pavanenge vari. Nekuti semunhu akadaro shuviro yavo inenge iri yekuti vavhotewo. Saka kuti tizovatakure tivadai zvakangooma.”

Murume wavo, muzvina bhizimusi Billiard Nhekairo, vanoti vanhu vese vemunyika vanofanira kuisa misoro pamwechete padambudziko rakatarisana nevakwegura nevakaremara rekutadza kuvhota.

“Kuno uku mazera akadai vakati wandei nenzira yekuti vavanhu vechikuruka. Zvinofanira kuti zviitwe ndezvekuona masabhuku nekuti ndivo vanoziva kuti tine vanhu vedu vakati havogone kufamba. Vakati vane zvirwere zvekuti. Saka kutanga waona masabhuku akadaro vanhu vacho vogrupwa. Nguva yacho kana yasvika vanenge vachingozivikanwa vopikwa vachiendeswa kunzvimbo dzinenge dzichivhoterwa.”

Va Adrian Munyoro mugari weku Chitungwiza, uye vanorarama ne cerebral palsy. VaMunyoro, avo vakapasa zvidzidzo zvavo zve ‘A’ Level vanoti vatosviba moyo panyaya yekunyoresa kuvhota.

“Kana uchida kuregister kuvhota zvinoreva kuti pane aunenge waona akakodzera kuti avhoterwe. Inini ndakaona kunge pasina anokodzera kuvhoterwa neni. Hapana anodhizevha vote yangu nekuti hapana anokoshesa kodzero nebudiriro yevanhu vanorarama nehurema.”

VaMunyoro vanoti mapato ezvematongerwo enyika ari kukundikana kubatsirawo nhengo dzavo dzakaremara.

“Zvingani zvakaitwa nema party iwayo kuburikidza nenyaya yebudiriro yevanhu vakaremara. Ko, vangani vari kumusoro soro vari kuita zvinooneka? Ringori zita rekuti tine vanhu vane disability mu party, asi chavari kuita chaicho chaicho pasina. Vanhu vakaremara havasi kuwana mabasa, but zviri kunzi tiri kukumiririrai. Muri kumiririra chii tisina mabasa?”

Mutungamiri webato rinopikisa re Renewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma, vanoti vari kuedza nepose pavanogona napo kuti vakaremara vakwanise kuvhota vakasununguka.

“Constitution yemu Zimbabwe yakapa munhu wese right yeku vhota. Saka hatidi kuti ZEC itore right iyoyo yakanganisa pamusoro pekuti munhu akaremara. Vanhu vakaremara vanofanira kupihwa full rights kuti vavhotere vanhu vavanoda vasingatyi, vasingazovhunduki. Saka vose vakaremara nevasingaone toda kuti vapihwe kodzero dzavo dzekuti vavhote vasingatyi.”

ZEC inoti matambudziko ari kutaurwa nevakaremara pamwe nevakwegura vari kuaziva uye vari kuedza nepose pavagona kuagadzirisa.

ZEC inoti mushure mekusangana nemasangano anomiririra vakaremara, vakagadzira dzimwe nzvimbo dzekunyoreswa kuvhota kuti vanoshandisa ma wheel-chair vakwanise kufamba zvakatambanuka.

ZEC inotiwo yakagadzira mamwe mapepa eBraille kuitira kuti vasingaone vawane ruzivo pamusoro pekunyoresa kuvhota.

Asi ZEC inoti haikwanise kutakura vakaremara nevakwegura kuti vaende kunovhota nekuti havabvumidzwe nemutemo we Electoral Act kuita izvi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG