Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvinoti Zvinotsigira Zviri Kuitika Kumusha


Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe zvakaungana pamuzinda wenyika uri muWashington DC.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvakaungana pamuzinda weZimbabwe uri muWashington D.C. zvichitsigira zviitiko zviri kuitika kumusha, zvichitevera kupindira kwemauto mune zvematongerwo enyika, uye kumanikidzwa kwaVaMugabe nebato ravo reZanu PF, kuti vasiye chigaro.

Zviitiko izvi zviri kutsigirwawo neveruzhinji munyika pamwe nekunze kwenyika, uko kune zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni matatu.

Mumwe wevakaronga kufora uku, Muzvare Shingi Mangwiro, vanoti vakashamiswa nekubuda kwakaita zvizvarwa zveZimbabwe, kunyange hazvo kunze kwaitonhora zvekukwidza hamba mumuti.

Vanoti vanhu vakabva kumatunhu akasiyanasiyana, anosanganisira Pennsylvania, New Jersey, New York, Virginia, West Virginia neMaryland.

Hurukuro naMuzvare Shingi Mangwiro
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG