Accessibility links

Breaking News

Constitutional Court Yotarisirwa Kunzwa Nyaya yeZvizvarwa Zviri Kunze kweNyika


Mukuru wevatongi vematare Justice Luke Malaba

Mukuru wedare repamusorosoro reConstitutional Court Chief Justice Luke Malaba vari kutarisirwa nhasi kunzwa nyaya yakakwidzwa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kudare reConstitutional Court zvichipikisa zvimwe chikamu chemutemo wesarudzo, chazvinoti chiri kutadzisa zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuvhota.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvitatu zvinoti Advocate Gabriel Shumba naSibonile Mfumisi vari kuSouth Africa, pamwe naVaDarlington Nyambiya vari kuBritain, kuburikidza nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights neSouthern Africa Litigation Center, vakakwira kudare gore rapera vachida kuti chikamu chemutemo une chekuita nesarudzo (Chapter 2:13) chivandudzwe, poiswa matanho akakodzera anoita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvigokwanisa kuvhota.

Vakakwirirwa dare vanosanganisira gurukota rezvemutemo, ne Zimbabwe Electoral Commission, ZEC.

Muna 2013 nyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zvibvumidzwe kuvhota zviri kwazviri yakambokwidzwa kudare naVaTavengwa Bukaibenyu, asi dare reConstitutional Court rakapa mutongo wekuti hurumende yakanga isingamanikidzwe kuvhotesa vanhu vari kunze kwenyika.

Dare iri rakati vanoda kuvhota vanosungirwa kudzoka kumusha kunovhota.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuBritain, VaKingston Jambawo, vesangano reZimbabwe Human Rights Organisation riri kuBritain, vanoti idanho rakanaka chose kuti nyaya iyi yapinda kudare, asi havaoni paine chichakwanisa kuitika gore rino kana dare rakati vari kunze vabvumidzwe kuvhota.

VaJambawo vanoti nguva yekuti pagadzirwe gwaro revavhoti richizobuda mukati memwedzi mitanhatu sezvinodiwa nemutemo hapachisina.

Asi vanoti chakakosha ndechekuti kana dare rakapa mutongo unoti vari kunze vavhote asi hurumende yakatsika madziro, zvinenge zvabuda pachena kupasi rose kuti hurumende yeZanu PF haidi kuti vari kunze vavhote, sezvo ichivaona semhandu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG