Accessibility links

Breaking News

South Africa Yozivisa neChishanu Hwaro hweZimbabwe Special Permit


Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvichinyorera magwaro ekugara munyika iyi zviri pamutemo.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvichinyorera magwaro ekugara munyika iyi zviri pamutemo.

Gurukota rezvemukati menyika muSouth Africa, VaHlengiwe Mkhize, neChishanu vari kutarisirwa kuzivisa zvinofanirwa kuitwa nekuteverwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi kuti zvimutsiridze magwaro azvo eZimbabwe Special Permit anoita kuti zvigare munyika iyi zviri pamutemo.

Kutanga kwemwedzi wapera dare remakurukota remuSouth Africa rakapa bazi rezvemukati menyika mvumo yekuti rikwanise kutanga zvakare kupa mukana kune zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro aya, ayo ari kupera kushanda musi wa 31 Zvita wegore rino.

Asi zvinonzi dare remakurukota iri rakatara zviga zvinonzi zvinofanirwa kuzadziswa naani nani zvake anenge achida kumutsiridza magwaro ake.

Chirongwa cheZimbabwe Special Permit ichi chakatsiva cheZimbabwe Special Dispensation icho chakaparurwa muna 2009 senzira yekubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvaive munyika iyi zviri kunze kwemutemo.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mazana maviri ezviuru zvinonzi zvakakwanisa kubatsirwa nechirongwa ichi.

Mukuru weZimbabwe Exiles Forum, uye vari gweta, Advocate Gabriel Shumba, vanoti vanotambira nemufaro danho rehurumende yeSouth Africa iri.

Advocate Shumba vanoti chishuwo chavo chave chekuti dai hurumende yeSouth Africa yawedzerawo makore emagwaro aripo aya kubva pamakore maviri kuenda mberi, uyewo kuti vabereki vane vana vakwanise kuvanyoresa pavanonyorera magwaro avo.

Asi vanoti havaoni vamwe vagara vanga vasina magwaro vachipiwa mukana wekuti vapinde muhuruongwa uhwu.

Hurukuro naAdvocate Gabriel Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG