Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Voumba Mapato eMatongerwo eNyika


Mutungamiri webato reBuild Zimbabwe Alliance Doctor Noah Manyika
Mutungamiri webato reBuild Zimbabwe Alliance Doctor Noah Manyika

Vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vari kuumba mapato ezvematongerwo enyika achakwikwidzana nemamwe aripo kare kumusha.

Mumwedzi mishoma yadarika, kune mapato akati kuti akaumbwa nevari kunze kwenyika, anosanganisira reUnited Democratic Front (UDF) rinotungamirwa naVaSilence Chihuri vari kuUnited Kingdom, reBuild Zimbabwe Alliance rinotungamirwa naDoctor Noah Manyika vari kuNorth Carolina muAmerica, reZimbabwe Partnership for Prosperity (Zipp) rinotungamirwa naDoctor Blessing Kasiyamhuru vari kuSouth Africa.

Mwedzi uno pane rimwe idzva riri kutarisirwa kuparurwa rinonzi Young African Democrats, iro rinonzi richange richitungamirwa naVaMarco Machona vari kuSouth Africa.

Munyika makaumbwawo mamwe anosanganisira rinotungamirwa naVaHosiah Chipanga rinonzi Kingdom of God on Earth: Devine Rule on Earth, kana kuti MAPIPI, kunyange hazvo vari kuti havasi kuzkwikwidzana naVaMugabe musarudzo dza2018 asi kuti vachatora matomu kubva kunaVaMugabe.

Mapato aya anonzi akatonyoreswa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, uye mamwe acho achange achikwikwidza musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Vamwe vanhu vari kutambira kuwanda kwemapato uku, vachiti chara chimwe hachitswanyi inda, kuwanda kwemapato ndiwo mucherechedzo wegutsaruzhinji munyika.

Asi vamwewo ndivo vari kushora vachiti mbeva zhinji hadzina mashe, sezvo kuwanda kwemapato anopikisa kuchaita kuti jira riri kuda kufukwa nemapato aya riite duku, zvichaita kuti rigumisire rabvaruka.

Mapato ezvematongerwo enyika anopikisa anonzi ave kudarika makumi mashanu, ose achitarisirwa kurwisana neZanu PF musarudzo.

Mamwe emapato aya ari kuedza kuita nhaurirano dzekuumba mubatanidzwa, asi mibatanidzwa yacho iri kutowanda panzvimbo yekuti pange paine bato rimwechete.

bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe nerinotungamirirwa naAmai Joice Mujuru reZimbabwe people First ari kukurudzirwawo kuti apinde mumubatanidzwa senzira yekukunda nayo bato reZanu PF musarudzo.

Doctor Manyika vanoti dambudziko remamwe mapato anopikisa nderekuti haadi kutambira pfungwa dzevamwe, zvikuru vanenge vachigara kunze kwenyika.

Vanoti izvi ndizvo zvimwe zvezvinhu zviri kuzoita kuti vanenge vaine dzimwe pfungwa dzisiri kutambirwa vaumbe mapato.

"Dambudziko ndere kuti vazhinji vacho vane pfungwa dzinenge dzeZanu PF dzekuti kana usina kurwa hondo hautungamire bato. Unotanga wabvunzwa kuti une makore mangani uri mubato usati watambirwa, zvinove zviri kudzosera zvinhu kumashure," Doctor Manyika vanodaro.

Hurukuro naDoctor Noah Manyika
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG