Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Yoshushikana neMabatirwo eZvizvarwa zveZimbabwe neDzimwe Nyika


Sachigaro wekomiti yeparamende Inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza
Sachigaro wekomiti yeparamende Inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza

Komiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika inoti iri kushushikana zvikuru nekusabatwa zvakanaka kunonzi kuri kuitwa zvizvarwa zveZimbabwe zviri kupinda muSouth Africa neBotswana, pamwe nevana vechikoro vanonzi vari kudzidza kuCyprus.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika vachimirira Makonde, VaKindness Paradza veZanu PF, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe, zvikuru zvinonotenga pamwe nekutengesa zvinhu kuSouth Africa zvinoshungurudzwa zvikuru nevashandi vepamuganhu vedivi reSouth Africa.

Imwe nyaya yavanoti iri kuvashungurudza ndeye kubiwa kwavanoti kwakaitwa mombe dzevanhu vemuZimbabwe nevagari veBotswana, dzakazopfurwa mushure mekunge varidzi vemombe vati vanoda mombe dzavo.

Panyaya yevana vari kuchikoro kuCyprus, VaParadza vanoti vana vari kushanda munyika iyi vari kushungurudzwa zvikuru pamabasa, uye vamwe vevana ava vari kumanikidzwa kuzopinda mumabhindauko akaita sekutengesa zvinodhaka kana chipfambi.

Vanoti vatatu vevana ava vakatosungwa uye mumwe wavo akatongerwa kugara mujeri kwemakore manomwe vachitiwo komiti yavo iri kuedza napose painogona kuti vana ava vadzorwe kumusha vazopedzisa mitongo yavo vari mumajeri emunyika.

VaParadza vanotiwo vakatosangana nemumiriri weTurkey muZimbabwe kuti vazeye nezvekusabatwa zvakanaka kunonzi kuri kuitwa vana vechikoro vari kuCyprus.

Vanotiwo vane hurongwa hwekuti komiti yavo isangane nevamiriri veSouth Africa pamwe neBotswana kuti vazeye nezvenyaya iyi.

VaParadza vanoti komiti yavo yakatosvitsa nyaya idzi kune mutevedzeri vemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vanove zvakare gurukota rezvemutemo.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG