Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yopomera Vari Kunze Mhosva yeKufurira Vari Kumusha Kuti Varatidzire


Vatsigiri veMDC vachiratidzira pamuzinda wenyika uri muWashington DC.
Vatsigiri veMDC vachiratidzira pamuzinda wenyika uri muWashington DC.

Panonzi pave nekukandirana nyoka mhenyu pakati pezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvigere munyika nezvimwe zvigere kunze kwenyika pamusoro pekuratidzira kwanga kwakarongwa nebato reMDC, vari munyika, zvikuru veZanu PF, vachiti kuratidzira uku kuri kukuchidzirwa nevari kunze kwenyika.

Izvi zvinouya panguva iyo mapurisa munyika yose ari kurambidza kuratidzira uku kuburikidza nekuzara mumigwagwa pamwe chete nemauto akamirira kuparadza vanenge vaungana vachida kuratidzira.

Imwe nhengo yeZanu PF, VaBelieve Gaule, vanoti vari kunze kwenyika vari kufurira hama dzavo kuti dzipandukire hurumende vachidzityisidzira kuti havazotumira zvakare mari kumusha kana vakasapinda mumigwagwa.

VaGaule vanoti vari kunze kwenyika vanenge vagere zvavo pamutambarakede, vachishandisa vari kumusha ava.

Vamwe ndivo vari kunyora pamadandemutande vachikurudzira vari kunze kwenyika ava kuti vadzoke kumusha munguva dzekuratidzira idzodzo vachibatana navo, kwete kuita vana tinhadzirwe.

Asi mumwe wevari kunze kwenyika, vari sachigaro webato reMDC mudunhu reDC-Maryland-Virginia, VaCharles Mutama, vanoti vanogona kunge vari kunzi vari kufurira vari kumusha asi chavari kuda kugadzirisa zvinhu munyika.

VaMutama, avo vanove zvakare mukuru wesangano reZimbabwe Diaspora for Democracy, vanoti nekuda kwaizvozvo, vanokurudzira hama neshamwari dzavo kuti vapinde mumigwagwa vachiratidzira senzira yekugadzirisa zvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG