Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, VaChinhema, Vokurudzira Vari Kunze Kunovhota


VaLovejoy Chinhema

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kunze kwenyika chiri kukurudzira vana veZimbabwe vari kunze vanokwanisa kuenda kumusha kunonyoresa kuti vagozokwanisa kuvhota musarudzo dza2018 kuti vaite sekudaro.

VaLovejoy Chinhema, avo vakakaka musasa muguta guru reMozambique reMaputo, vanoti hapana imwe nzira ingaita kuti shanduko inochemerwa nevana veZimbabwe iitike kana vasingakwanisi kuvhota kuti pave neshanduko yacho.

VaChinhema, avo vanobva kuMagunje mudunhu reHurungwe kuMashonaland West, vanoti vakaenda kuMaputo vachinotsvaka mafuro manyoro, uye ndemumwe wezvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni mana zviri kunze kwenyika nezvikonzero zvakasiyanasiyana.

Vanotiwo vane makore makumi matatu nemaviri ekuberekwa, uye vane mudzimai nevana vatatu.

"Chikumbiro changu chikuru chandiri kukumbira kuvatungamiri vedu vemapato anopikisa, zvikuru sei VaTsvangirai, tiri kukumbirawo kuti dai zvaibvira vatsvagira vanhu vari kuSouth Africa transport mazuva achatangisa vanhu kunyoresa kuvhota. Zvizvarwa zveZimbabwe zvaita machakwi kuSouth Africa uku but vazhinji vacho havasi kubata mabasa anovapa mari ingavakwanise kuti vakwire vaende kumusha.

"Saka ndiri kukumbira zvikuru kuNational Executive yebato redu reMDC kuti ngavatsvagire vana transport kana April akusvika." VaChinhema, avo vanoti vanotsigira MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vanodaro.

Hurukuro naVaLovejoy Chinhema
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG