Accessibility links

Breaking News

VaMohadi Votarisirwa Kumiswa Pamberi peKomiti yeZvicherwa


Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa nemhando dzemoto, VaTemba Mliswa

Mumwe wevatevedzeri wevatungamiri venyika, VaKembo Mohadi, vari kutarisirwa kumiswa pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa pamwe nemhando dzemoto, vachibvunzwa nezvavanoziva nezvemari inoita mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora inonzi yakabva mukutengeswa kwemangoda, yakatsakatika.

Sachigaro wekomiti yeparamende iyi, VaTemba Mliswa, vanoti komiti yavo ichange ichibvunza mibvunzo kuna VaMohadi pamwechete nemamwe makurukota pamusoro penyaya iyi.

Vanotizve pari zvino vaunganidza humbowo hwakawanda uye kana vapedza kutaura naVaMohadi, vachagara pasi nekomiti yavo kuti vatenderane zuva rinofanirwa kushevedzwa vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe kuti vamirewo pamberi pekomiti iyi.

VaMugabe ndivo vakasimudza nyaya yekutsakatika kwemari iyi muna 2016, izvo zvakashamisa vanhu vakawanda kuti mari ine huwandu hwakadaro ingangonzi yashaikwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG