Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Rinopa Bato reTransform Zimbabwe Mvumo yeKuratidzira Richiramba maBond Notes

Vanhu vanonzi vari kuramba ma bond note vachiti haana kusiyana nema bearer check ayo anonzi akanga asina huremu hwemari
Vanhu vanonzi vari kuramba ma bond note vachiti haana kusiyana nema bearer check ayo anonzi akanga asina huremu hwemari

Dare repamusoro nhasi rapa mutongo wekuti mapurisa asarambidze vana veZimbabwe vanoda kuratidzira neChitatu apo vachange vachipinda mumigwagwa vachiramba mari dziri kuda kuparurwa dzema bond note.

Mutongo uyu, uyo wapiwa naAmai Lavender Makoni, unotevera nyaya yakwidzwa kudare iri nebato reTransform Zimbabwe richida kuti mapurisa asarambidze vanhu kuratidzira uku.

Vapinda mudare vakamirira bato retransform Zimbabwe magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights anoti VaSharon Hofisi pamwe naVaKennedy Masiye.

Transform Zimbabwe inonzi iri kuda kuti vanhu vaforea vakananga kumahofisi egurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa uko vachanosiya gwaro ravo renyunyuto.

VaMasiye vanoti vazotora nzira yekudare repamusoro iyi sezvo mapurisa akanga anyima bato rinopikisa iri mvumo yekufora achiti izvi zvaizokanganisa kufamba kwevanhu pamwe nedzimotokari mukati meguta.

Kennedy Masiye
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Restoration of Human Rights-ROHR
Restoration of Human Rights-ROHR

Ukuwo masangano akazvimirira anosanganisira reRestoration for Human Rights pamwechete nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu varatidzira muguta reHarare kunyangwe vange vasina mvumo kubva kumapurisa.

Vange vachiratidzira muguta reHarare vaudza Studio 7 kuti kubatwa neseri kweruoko pamwechete nekushungurudzwa nemapurisa kwezvizvarwa zveZimbabwe kana vachitura nhuna dzavo kubudikidza nekuratidzira ndizvo zvavasunda kuti varatidzire.

Vachitungamirirwa neSangano reRestoration of Human Rights ROHR, pamwe nevechidiki vasina mabasa reUmployed Youth Organisation, vanorwira kodzero dzevanhu ava vati vanoda kuti mapurisa anzwisise kuti vanhu havarohwe kana vane zvavanoda kuratidzira kuhurumende.

VaDonald Mavhudzi mumwe wevaratidzira ava vataurira Studio 7 kuti vaneta nemapurisa anorova vanoratidzira ivo varikutamburawo pasi pehurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaIshmael Kauzani , vanova sachigaro we Unemployed Youth Organisation vatsigirawomashoko aya.

Vanoon nezvekuburitswa kwemashoko mu Rohr VaTinashe Zhakata vati varatidzira nhasi sezvo mangwana kune kumwe kuratidzira muguta reHarare uko vechidiki vasina mabasa vacharatidza kunyunyuta kwavo nekusawana mabasa ivo vakadzidza. VaZhakata vati mapurisa anofanirwa kurega zvekushungurudza veruzhinji.

Varatidziri ava vazopararira pavawana vakavharirwa nemapurisa panosangana mugwagwa waJason Moyo naJulius Nyerere kunyangwe zvazvo vange vachida kusvika pakamba yemapurisa yeHarare Central.

Zvichakadaro vakaenda kuchikoro vasina mabasa vange varambidzwa nemapurisa kuratidzira mangwana vazobvumidzwa nedare.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG