Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Vochema Zvichitevera Kuputsirwa paVanotengesera


Zvitoro zvinonzi nekanzuru zviri kuiswa zviri kunze kwemutemo
Zvitoro zvinonzi nekanzuru zviri kuiswa zviri kunze kwemutemo

Sangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, (VISET) rinoti riri kushoropodza zvikuru danho rekanzuru yeguta reHarare rekuparadza kwayakaita misika yevanhu pamwe nekuparadza zvinhu zvavo panzvimbo yemabhizimusi yeBudiriro 5 svondo rino.

Mugwaro raraburitsa, sangano iri rinoti rakawana humbowo hwekuti kuparadzwa kwenzvimbo dzekutengesera uku kwakapiwa mvumo nekanzuru pamwe neboka reEnvironmental Management Agency, EMA, uye VISET inotiwo ine humbowo hwekuti zvakaitwa izvi zviri kunze kwemutemo.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi reEMA panyaya iyi.

Izvi zvinoitika mushure mekunge kanzuru yatora danho rimwechetero svondo rapera payakaputsa zvivakwa zvevanhu vaitengesera paKamunhu Business Centre kuTafara/Mabvuku, uye kuedzawo kuputsa nzvimbo inoitirwa mitambo yeMoto Republik iri mukati meHarare.

Asi mutauriri wekanzuru VaMichael Chideme vanoramba mashoko ekuti kanzuru yavo iri kuputsa zvinhu zvavanhu, vachiti chiri kuitwa nekanzuru yavo kuchenesa guta.

VaChideme vanotiwo kanzuru yavo ine hurongwa hwekusangana nevaridzi veMoto Republik kuti vaone kuti vangaenda mberi sei.

Izvi zvinotevera kupera kwemazuva manomwe akanga apiwa nekanzuru ekuti varidzi veMoto Republik vaparadze voga zvivakwa zvavo.

VaChideme vanoti kambani iyi yakanga yaisa zvivakwa zvayo zvema container izvo zvisingabvumidzwi nemutemo wekanzuru yavo.

Hurukuro naVaMichael Chideme
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG