Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaEmmerson Mnangagwa Vanosvika muNyika


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakasvika munyika neMuvhuro usiku mushure mekudimurira rwendo rwavo kunyika shanu dzavaifanirwa kushanyira kuEurope vachiti vakanga vave kudzokera kumusha kunogadzirisa zvinhu.

VaMnangagwa vakatambirwa nevatevedzeri vavo vaviri, makurukota ehurumende, vakuruvakuru muhurumende pamwe nemauto.

Vanhu vanodarika gumi vanonzi vakapfurwa nemauto vakafa mushure mekuratidzira vachinyunyuta nekukwira kwemutengo wemafuta edzimotokari.

Vamwe vanodarika mazana matanhatu vanonzi vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuve nechekuita nemhirizhonga yakatevera kuratidzira kwakaitika uku.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paKent University kuBritain, Doctor Alex Magaisa vanoti kudzoka kum usha kwaVaMnangagwa hakuna zvakunobatsira kana vakasagadzirisa zvakakonzera kuti munyika muve nekuratidzira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG