Accessibility links

Breaking News

Kambani yeMukaka yeProDairy Yotenga Matsiru kuSouth Africa


Kambani yeProDairy inoti vanochengeta mombe dzemukaka vari kukundikana kugutsa nyika nemukaka wainoda pazuva
Kambani yeProDairy inoti vanochengeta mombe dzemukaka vari kukundikana kugutsa nyika nemukaka wainoda pazuva

Kambani yeProDairy iri kutenga mombe dzemukaka dzinokosha mari inodarika miriyoni yemadhora kubva kuSouth Africa pasi pechirongwa chayo cheMafuro icho inoti chakanangana nekuderedza mutengo wekugadzira mukaka pamwe nekuderedza mari inoshandiswa nenyika mukuetenga mukaka kubva kunze kwenyika.

Mukuru wekambani iyi VaCalum Philp vanoti pasi pechirongwa cheMafuro icho vari kuita nenyanzvi munyaya dzekurima dzeGrasslands Research Station, mombe idzi dzichange dzichidya huswa hwekudiridzira chete.

Vati chirongwa chese cheMafuro chinokosha $1.6 million uye mari iyo inosanganisira kutenga mombe mazana mana, mbeu yesora pamwe nemichina yekudiridzira.

Mutevedzeri wemukuru anoona nezvekugadzirwa kwezvinhu mukambani iyi, VaNyasha Chidzambwa, vaudza Studio 7 kuti chinangwa chikuru chechirongwa ichi kuwedzera mombe dzemukaka nemukaka wacho.

VaChidzambwa vati vari kushanda nehurumende pamwe nemamwe makambani ekunze pachirongwa cheMafuro uye kana chikamu chekutanga chechirongwa ichi chikabudirira, chirongwa ichi chichavandudzwa.

ProDairy iyo yakatanga makore mashomanana apfuura yakatenga michina yekugadzira mikaka inokosha mamiriyoni mana emadhora uye inokwanisa kugadzira malitre 3 miriyoni asi pari zvino michina uripo uri kuburitsa mukaka uri pasi pemalitre miriyoni chete.

VaPhilp vati Zimbabwe inoda malitre 10 million emukaka mwedzi wega wega asi makambani ese emukaka munyika ari kutadza kugadzira mukaka unokwana nyika yese.

Vati kunyange hazvo zvakadaro kambani yavo iri kuronga kutengesa mukaka wayo kunze kwenyika uye yakatotanga kuendesa mukaka wayo kuZambia.

Vati vari kuitira izvi kuti vawane mari yekunze iyo inodiwa nenyika mukutenga michina nezvimwe zvekushandisa mumaindasitiri.

Kunze kwemukaka wakasiyana siyana wakaita seMasi, Sour Sawa neSteri nemimwe kambani yeProDairy inogadzirawo zvinwiwa zveRevive.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG