Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Zviri Mugwaro reDaily Maverick Zvinobata Huwori


Sangano reTransparency International rakaisa Zimbabwe pachinhanho chezana nemakumi mashanu nenomwe panyika zana nemakumi masere dzine huwori hwakanyanya pasi rose.
Sangano reTransparency International rakaisa Zimbabwe pachinhanho chezana nemakumi mashanu nenomwe panyika zana nemakumi masere dzine huwori hwakanyanya pasi rose.

Bepanhau reDaily Maverick rekuSouth Africa neChipiri svondo rino rakaburitsa gwaro rinodonongodza nyaya dzehuwori hwarinoti huri kuitwa muZimbabwe nevari mumasimba, izvo zviri kuita kuti nyika irasikirwe nemabhiriyoni emadhora pagore.

Gwaro iri, iro rinonzi “A Study of Cartel Dynamics”, rinonan’anidza huwori hunonzi huri kuitwa nechikwata chakasimba chinosanganisira vanhu vari muhurumende, mubato riri kutonga reZanu PF, pamwe nevamwe vemabhizimusi vanodyidzana nehurumende pamwe nebato riri kutonga.

Vanhu ava vanonzi negwaro iri vari kuita huwori munyaya dzezvehupfumi, kusanganisira kuburitsa munyika zvicherwa zvakaita segoridhe nemangoda zvinokosha mabhiriyoni emadhora gore roga roga.

Gwaro iri rinoti panhongonya yehuwori uhwu pagere mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vanonzi vari kudzivirira chikwata ichi.

Izvi zviri kubuda panguva iyo sangano reTransparency International, raisa Zimbabwe pachinhanho chezana nemakumi mashanu nenomwe panyika zana nemakumi masere dzine huwori hwakanyanya pasi rose.

Gwaro reDaily Maverick iri rinoti nyaya yekupedzwa kwehuwori uhwu inonetsa sezvo vanofanirwa kunge vachirwisa huwori uhwu vari zvakare vanhu vaine chekuita nahwo.

Asi rinokurudzira kuti vekunze vaongorore zvakasimba mafambisirwo ezvinhu muZimbabwe, uye kupa rutsigiro kumapoka anorwisana nehuwori akaita, seZimbabwe Anti-Corruption Commission, hofisi yaAuditor-General pamwe nemamwe masangano akazvimirira.

Sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira Vusango, vanoti hapana chekuvhunduka pagwaro reDaily Marverick iri vachiti vanoziva kuti mabasa emutori wenhau Hopewell Chin'ono ekuda kusvibisa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaCharumbira Vusango vanoti Chin'ono ari kutsvaga mbiri kuburikidza nekutaura zvakaipa pamusoro pemutungamiri wenyika pamwe nehurumende, asi vanoti seZanu PF nehurumende havashaiswi hope nezvese zvavanoti zviri kuitika izvi.

Vanoti kusvibiswa kweZimbabwe nevekunze kwakabva pakutorwa kwenyika pamwe nekupihwa kwevhu kuvatema, izvo zvavanoti zvakazoita kuti nyika itemerwe zvirango zvehupfumi nenyika dzekumawirira.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Chin'ono kuti tinzwe divi rake.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance mudunhu reNorth America, VaTimothy Muringai, vanopindura mashoko aVaCharumbira Vusango vachiti nyaya yehuwori muZimbabwe hachisi chinhu chitsva chinganzi chaburitswa neDaily Maverick.

VaMuringai vanodzora ndangariro kumakore ehuwori hunonzi hwakaitwa nevakuru muhurumende kuDemocratic Republic of Congo, kusvika pahuwori hwekunzi nyika yeChina yakatenga fodya yakawanda munyika, asi hurumende ikaderedza huwandu hwefodya uhwu, senzira yehuwori.

Vanoti kuti dambudziko iri rigadziriswe panofanirwa kuve nekujekeswa kuti nyika iri kufamba sei uye kujekeswa kwekuti mari yenyika iri kubatwa nekushandiswa sei.

Hurukuro naVaRegis Charumbira Vusango naVaTimothy Muringai
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG