Accessibility links

Breaking News

Matunhu Akawirwa neCyclone Idai kuChimanimani East,Otarisira Rubatsiro neChimbichimbi


짐바브웨 치마니마니 지역에서 열대성 저기압 사이클론 '이다이'의 영향으로 집을 잃은 가족이 길 위에 서 있다.
짐바브웨 치마니마니 지역에서 열대성 저기압 사이클론 '이다이'의 영향으로 집을 잃은 가족이 길 위에 서 있다.

Mumiriri weChimanimani East mudare reparamende, VaJoshua Sacco, vanoti dunhu ravo pamwe nemamwe matunhu akawirwa nedambudziko redutumupengu Cyclone Idai anoda rubatsiro nekukasika.

Vanoti hudzamu hwekuparadzwa kwakaitika mudunhu ravo reChimanimani East hwakakurisa zvekuti zvichatora mazuva akawanda kuti vakwanise kuziva kuti vanhu vakashaya mutsaona iyi vangani.

VaSacco vanotiwo vamwe vevanhu vakashaya vachiri kufukunurwa kubva muzvivakwa zvakawondomoka, pamwe nemadhaka, ayo anonzi akafushira dzimba dzakawanda, zvikuru muNgangu.

Panyaya yekusveweredzwa kwavo nevanhu nemusi weChipiri, VaSacco vanoti zvakadai zvinowanikwa mune zvematongerwo enyika, vachiti panenge paine vamwe vanhu vanongoda kunyadzisa vamwe panguva dzinenge dzakaita saidzodzi.

Vanoti chakakonzera kuti vanhu vemunharaunda yavo vatsamwe ndechekuti musi waitika tsaona iyi ivo havana kuzokwanisa kuti varare muChimanimani nekuda kwekuti nzira dzakanga dzisisafambiki.

Vanoti izvi ndizvo zvakatsamwisa vanhu, avo vanofunga kuti vakavatiza munguva yetsaona. Asi vanoti vakazomhanyira kwMutare kuitira kuti vakwanise kuzivisa mapoka ehurumende anopa rubatsiro nezvetsaona yakanga yavawira iyi.

Hurukuro naVaJoshua Sacco
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG