Mumiriri weChimanimani East mudare reparamende, VaJoshua Sacco, vanoti dunhu ravo pamwe nemamwe matunhu akawirwa nedambudziko redutumupengu Cyclone Idai anoda rubatsiro nekukasika.
Vanoti hudzamu hwekuparadzwa kwakaitika mudunhu ravo reChimanimani East hwakakurisa zvekuti zvichatora mazuva akawanda kuti vakwanise kuziva kuti vanhu vakashaya mutsaona iyi vangani.
VaSacco vanotiwo vamwe vevanhu vakashaya vachiri kufukunurwa kubva muzvivakwa zvakawondomoka, pamwe nemadhaka, ayo anonzi akafushira dzimba dzakawanda, zvikuru muNgangu.
Panyaya yekusveweredzwa kwavo nevanhu nemusi weChipiri, VaSacco vanoti zvakadai zvinowanikwa mune zvematongerwo enyika, vachiti panenge paine vamwe vanhu vanongoda kunyadzisa vamwe panguva dzinenge dzakaita saidzodzi.
Vanoti chakakonzera kuti vanhu vemunharaunda yavo vatsamwe ndechekuti musi waitika tsaona iyi ivo havana kuzokwanisa kuti varare muChimanimani nekuda kwekuti nzira dzakanga dzisisafambiki.
Vanoti izvi ndizvo zvakatsamwisa vanhu, avo vanofunga kuti vakavatiza munguva yetsaona. Asi vanoti vakazomhanyira kwMutare kuitira kuti vakwanise kuzivisa mapoka ehurumende anopa rubatsiro nezvetsaona yakanga yavawira iyi.
Facebook Forum